Munyori weKwayedza
MADHAMU makuru emuZimbabwe ari kuramba achiwana mvura yakawanda iyo yawedzera kusvika pachikamu chepakati nepakati che85,8 percent kuti azare zvichitevera mvura zhinji iri kunaya kumativi mana enyika.
Magwaro achangobva kuburitswa neveZimbabwe National Water Authority (Zinwa), anotaridza kuti kusvika nemusi wa24 Kukadzi, mvura yakawedzera mumadhamu aya nechikamu che28,9 kubva munaZvita gore rapera.
Izvi zvinoreva kuti huwandu hwemvura yawedzera mumadhamu hwakakwira nechikamu che18,3 kana zvichienzaniswa ne10,6 percent panguva imwechete mwaka wadarika.
Madhamu maviri makuru emunyika, Tugwi-Mukosi neMutirikwi, azara nechikamu che100 uye mvura yacho iri kutorasikira.
Zinwa inoti madhamu ekudunhu reMatabeleland North ndiwo awana mvura yakawanda nechikamu che66,1 percent uye achiteverwa neemuBulawayo Province nechikamu che44. 4 percent.
Madhamu ekuMashonaland East kusvika parizvino awana mvura inosvika chikamu che5 percent apo ekuMashonaland West awana 8,1 kubva munaZvita gore rapera.
Huwandu hwemvura mumadhamu makuru emunyika huri kutarisirwa kuramba huchiwedzera nekuda kwemvura zhinji iri kunaya kunzvimbo dzakasiyana.
“Apo madhamu ari kuwana mvura yakawanda uye dzimwe nguva inodarika yaanombosiwana, Zinwa inokudzira nharaunda dzinogara kuzasi kwenzizi kuti vangwarire zvakanyanya, vaongorore mafambiro evana nezvipfuyo uye nekuona kuti midziyo yose iri pedyo nehova yabviswa pamwechete nekuchengetedzwa zvakanaka,” vanodaro mukushi wemashoko kuZinwa, Mai Marjorie Munyonga.



