Munyori weKwayedza
HURUMENDE yakazivisa nezveongororo yekutanga yakaitwa maringe nenyaya dzekurima mwaka uno apo paine tarisiro yekuti Zimbabwe inogona kuwana goho rakanaka.
Vachitaura kuvatori venhau nemusi weChipiri chino mushure mekupera kwemusangano weCabinet, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro,
Dr Jenfan Muswere, vanoti dare iri rakatambira gwaro rakadzama pamusoro pemamiriro akaita zvirimwa iro rakaturwa negurukota rinoona nezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwemaruwa, Dr Anxious Masuka.
Dr Muswere vanoti ongororo iyi yakaitwa neZIMSTAT uye ichikoshesa zvinobatsira Hurumende muhurongwa hwayo.
Vanoti Hurumende ichasimudzira mabasa emadiridziro kuitira kuti minda yacho iwedzere kubva pamahekita 217 000 ayo aripo parizvino kuenda pamahekita 496 000 apo inenge ichishanda pamwechete nemapoka akazvimirira.
“Hurumende ichashanda nesimba kuti pave nemizinda inobatsira kurwisa nzara kuitira kuti nharaunda dzakasiyana dzisakanganiswe mune remangwana. Hurumende ichasimbaradza zvekare kugadzirwa kwezvekushandisa mukurima zvakadai sefetiraiza,” vanodaro Dr Muswere.
Vanoti chirongwa chekubatsira varimi nemishonga yekurwisa zvishambwe kana kuti zvikwekwe cheThe Presidential Tick Grease Scheme kubva iye zvino chave kunzi Household Tick Management Scheme.
Zvakadai, mahekita akadyarwa chibage nezvimwe zvirimwa zvinodyiwa mazuva ose akawedzera mwaka uno kubva pane 2 520 000 aitarisirwa kuenda pamahekita 2 540 385.
Nerimwe divi, nzvimbo yakadyarwa mbesa yakawedzera zvakare nechikamu che1.8 percent kana zvichienzaniswa nemahekita 2 349 921 emwaka wa2023/2024.
“Panyaya yezvipfuyo, huwandu hwemombe dzenyama munyika hwakawedzera nechikamu che0.4 percent kubva pa5 718 523 muna2023 kuenda pa5 741 397 muna2024. Huwandu hwemombe dzemukaka hwakawedzerawo nechikamu che8.7 percent kubva pa60 398 muna2023 kuenda pa65 659 muna2024.
“Izvi zvakaita kuti huwandu hwemukaka huwedzere nechikamu che15 percent kuenda pamarita 11 699 440 kubva pamarita 99 823 775 muna2023. Chirongwa chePresidential Rural Poultry Scheme chakafambira mberi zvine mutsindo muna2024 apo hukwana dzechibhoyi dzinosvika 751 408 dzakagoverwa kana zvichienzaniswa ne200 161 idzo dzakagoverwa muna2023,” vanodaro Dr Muswere.
Dr Masuka vanoti hwaro hwehupfumi hweZimbabwe huri mukurima nekudaro tarisiro yegoho rakanaka inorunzirawo budiriro yenyika.
Vanoti gore rapera, hupfumi hwenyika hauna kusimukira zvakanyanya nekuda kwekusaya kwemvura uko kwakakonzerwa neEl Nino asi mwaka uno zvinhu zvinogona kuendeka sezvo paine tarisiro yekuwana goho rakanaka.




