Madrid musha wangu: Navas

MUBATI wepagedhi weReal Madrid Keylor Navas akabuda pachena kuti akange asina kugadzikana paakanzwa kuti anogona kutengeswa kuMachetser United izvo zvakazotadzika kuitika. Navas, uyo akatanga mwaka uno achipisa zvikuru muLa Liga achirairidzwa naRafa Benitez, akange achida kushandiswa neMadrid mukutenga David de Gea weManchester United.

Asi chizvarwa chekuSpain, De Gea, akaramba ari kuOld Trafford mushure mekunge mapepa ake asina kufambiswa nenguva izvo zvakamutadzisa kutengwa neMadrid.

Muhurukuro, achitaura pamusoro penyaya iyi, Navas anoti akange asingade kubva kuBernabeu. Chizvarwa chekuCosta Rica ichi chakaudza ‘El partido des las 12’ panhepfenyuro yekuSpain Cadena COPE kuti, “Ndakange ndisingade kubva kuReal Madrid.

“Vamiriri vangu vakandiudza kuti ndigare ndine nharembozha yangu. Takatoenda kuBarajas, kunyangwe hazvo ndisina kuzokwira ndege, ndakange ndakangomirira ndiri mumba yandaive ndiri. Ndakangoti kana Mwari vachida kuti ndibve kuMadrid saka ndizvo zvakandinakira, asi vaisada kuti ndibve uye ndichiri kuno.

“Ndakachema husiku uhu pazvakatadza kubudirira, kwaive kuchema kwemufaro. Ndakange ndisingade kubva, Madrid ndiwo musha wangu.
“Ndakasayina kondirakiti yangu yekuManchester United kuValebebas panguva iyo yandaiongororwa hutano hwangu. Asi ini ndinoda kunyora nhoroondo kuchikwata chino nekuhwina mikombe yakawanda mwaka uno. Tine zvakawanda zvitinofanirwa kugadzirisa uye iri kufamba mugwara.” — Sky Sports News

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×