Madzimai 2 asungirwa kurima mbanje

Kingstone Mapupu

MADZIMAI maviri, Chipo Mbofana (50) naGrace Kondo (56), avo vose vanobva mumusha waSabhuku Maoresa kudunhu raMambo Ngezi, kuMhondoro vakasungwa nemhosva yekurima mbanje zvisiri pamutemo.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, Inspector Ian Kohwera, vanoti mapurisa akawana mashoko ekuti madzimai maviri aya vairima mbanje kumapindu avo zvakabva zvaita kuti vaende kunoongorora.

“Mapurisa vanzwa mashoko erunyerekupe urwu, vakabva vaenda  pamusha waTekedza ndokunowana madzimai aya vari pamusha apa. Vakataura navo vakabvuma kuti vairima mbanje. Vakabva vatungamirira mapurisa kubindu ravo rinongova chinhambwe chemamita makumi maviri kubva pamba pavo ndokunowana mbanje iyi. Chipo Mbofana aiva nemadzinde 37 embanje uyewo Grace Kondo aine madzinde 63, yose yaiva yakareba 45 centimetres,” vanodaro Insp Kohwera.

Vanoti madzinde embanje aya akadzurwa ndokunochengetedzwa sehumbowo kuchitarisirwa kuti madzimai maviri aya azoendeswa kumatare edzimhosva munguva pfupi ir ikutevera.

“Madzimai maviri aya vakachengetedzwa nemapurisa vachitarisirwa kuendeswa kudare reChegutu Magistrates’ Court nekuda kwemhosva  yekurima mbanje zviri kunze kwemutemo,” vanodaro Insp Kohwera.

Mune imwewo nyaya, Nomatter Machaka (28) wekuVillage 2 kupurazi reMazaretha kuKadoma akasungwa nemhosva yekutengesa zvinodhaka zvinosanganisira crystal meth kana kuti mutoriro.

“Mapurisa mushure mekuwana mashoko kubva kuvanyeveri, vakabvunzurudza Nomatter Machaka akabvuma nyaya yake uye ndokuwanikwa aine masatchets 21 ecrystal meth. Semapurisa, tinokurudzira vanhu kuti vatsvage dzimwe nzira dzekurarama nadzo pane kutengesa zvinhu zvisingabvumidzwe nemutemo wenyika,” vanodaro Insp Kohwera.

Zvakadai, mapurisa ekuMashonaland West vanorumbidza veruzhinji nekuramba vachipa mashoko anobatsira kuti vanhu vari kupara mhosva dzakasiyana-siyana vasungwe.

Related Posts

President Mnangagwa vochema Chivayo, mudzimai wake nevamwe vatatu

Munyori weKwayedza Mutungamiri wenyika President Mnangagwa varatidza kuvhunduka kukuru pamwe nekusuwa zvichitevera kufa kwamuzvinabhizimusi Wicknell Chivayo, mudzimai wake Lucy Muteke nevamwe vanhu vatatu mutsaona yechikopokopo kuMarondera nezuro. Mumashoko enyaradzo, President…

Chiremba wemanyepo akavhiya munhu pahuro akafa

NaArron Nyamayaro MUMWE chiremba wemanyepo anonzi akakonzeresa kufa kwemumwe mukadzi mushure mekumuvhiya pahuro zvisiri pamutemo vari pane imwe imba kwaSeke. Mapurisa anoti Douglas Mutore, wekuChitungwiza, akaenda kuna Muzvare Magret Gwamura…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×