Muchaneta Chimuka
SANGANO reHIVOs, rakabatana nereWomen’s Coalition of Zimbabwe (WCoZ), rakaparura chirongwa chekusimudzira madzimai akaremara muzvirongwa zvine chekuita nebudiriro yavo uye nyaya dzehutungamiriri (Women with Disability Leadership Forum) munguva pfupi yadarika.
Vachitaura pachirongwa ichi, Muzvare Rumbidzayi Machimbirike vanova programmes officer kuHIVOs vanoti danho iri rakakosha munyaya yekusimudzira raramo yevakaremara.
Dzidziso yehutungamiriri iyi yakaona pachiunganidzwa vanhukadzi vakaremara kubva kumasangano anosanganisira NASCOH neFODPZ neDeaf Women Included chinangwa chikuru chiri chekurodza njere dzavo kuitira kuti vakwanise kuva vanhu vanozvimiririra muhupenyu.
“Takaona kuti madzimai akaremara ari kuramba akasaririra zvikuru munyaya dzebudiriro saka zvakakosha kuti tivafundise vave vanhu vanozvimirira mukurarama vachibura pundutso kubva mumabasa ese avanoita. Madzimai akaremara ndiwo akapa chikumbiro chekuti tinge tichishanda navo mukupangana mazano ekutsvaga nzira dzinovayambutsa. Mamwe ematambudziko akataurwa nemadzimai ndeekunetsa kwemvura uko kunoita kuti vakundikane kuita mabhindauko ekurima kana mamwe mabasa epamusha. Saka tinovabatsira kuti vanonyora sei magwaro ekuti vange vachisvitsa zvichemo zvavo kuvanhu vanofanira kuvabatsira,” vanodaro Muzvare Machimbirike.
“Munharaunda munogara vanhu mune vamiriri vakadai semadzishe nenhengo dzeParamende dzinomiririra matunhu akasiyana asi havangosvikirwi munhu asina kurongeka saka tinokurudzira kuti madzimai iwaya ange achishanda ari muzvikwata kuti matambudziko avo anzwike vachinoapira pamwe chete mushure mekushandisa nzira kwadzo dzekufambiswa kwemashoko,” vanodaro.
Muzvare Machimbirike vanoti chirongwa ichi chinofambirana nehwaro hweSHE Matters 11 uhwo hune chinangwa chekusimudzira madzimai, vechidiki nevanhu vakaremara munharaunda.
Mamwe emadzimai akadzidziswa nemapoka aya akatenda nekuwaniswa hunyanzvi maringe nekodzero dzavo zvinoita kuti vasambunyikidzwa.
“Tine mitemo yakawanda inotichengetedza iri mubumbiro remutemo uye yeUnited Nations Convention on the Rights of Persons with Disabilities (CRPD), Convention on the Elimination of All Forms of Discrimination Against Women (CEDAW) nemaSustainable Development Goals (SDGs). Saka patinopira zvichemo zvedu maringe nezvatinotarisira muraramo yedu uye budiriro yenharaunda dzedu, tinotonyora mumagwaro kuti mutemo wakati unotaura zvakati,” vanodaro Mai Cathrine Mwembe mumwe wemadzimai akaremara.
Enia Matsika anova mudzimai wechidiki akaremara achibva kuChinhoyi anoti munhu akaziva kodzero dzake zvinomubatsira pakunomhan’ara kana achinge ambunyikidzwa.
“Matambudziko atinosangana nawo semadzimai akaremara ndeekuti dzimwe nguva hatitariswi kana kuti kucherechedzwa munharaunda. Saka paye panosarudzwa vanhu kuti vave vatungamiriri vezvirongwa, zvingava zvidiki chaizvo zvemabhindauko ekurima kana kutungamiririra vanhu mudunhu, hatisarudzwi zvisinei nekuti takadzidza sei nekuti tarisiro yevanhu neziso ravo guru rinenge richitsvaka munhu ane mitezo yakakwana,” anodaro.
Mai Jules Daudi vanova mudzimai asingaoni vanoti madzimai akaremara anofanirwa kupihwa mikana yehutungamiriri mumabasa akasiyana kuitira kuti veruzhinji vange vachidzidza kuti kuremara handi kukonewa kuita basa.
“Ini ndiri mudzimai asingaoni asi ndakakwanisa kupihwa zvigaro zvepamusoro zvakawanda vanhu vakatoona kuti inga ndinotogona zvekutodarika vanoona. Ndakafundisa vadzidzi vanoona muzvikoro zvesekondari vakapasa nechikamu che100 percent. Ndinotungamirira masangano akawanda evanhu vakaremara nevasina zvinhu zvichitobudirira,” vanodaro.
Margaret Saungweme vanova mudzimai akaremara vanobva kuMarondera vanotiwo: “Isu vanhu vakaremara ndisu tinoziva nezvematambudziko atinosangana nawo asi tinoshamisika kuti munguva zhinji tiri kutaurirwa nezvematambudziko edu nevanhu vasina kuremara. Tipei mikana tibudise nhunha dzedu kuti vanokwanisa kugadzirisa matambudziko acho vange vachitora matanho nekukasika. Munhu akaremara ane zvinhu zvakawanda zvaanoda kana tichienzanisa neasina. Vamwe vanoda ma’hearing aids’ kuti vange vachinzwa, vamwe ma’walking stick’, ma’diapers’ nezvimwe zvakawanda zvinogona kutadza kunzwisisika kana zvichitaurwa nemunhu asina kuremara.”



