‘Mai vemwana siya chipfambi’

Gamuchirai Muzanenhamu
VAMWE samusha vakaendesa mudzimai wavo kudare vachida kuti amiswe kuita chipfambi uye kuterera zvavanotaura pamba.

Joyful Marozhe akamhan’arira Melody Maodzwa kuHarare Civil Court achiti haachada kuti aite chipfambi uye anoda kutererwa zvaanenge ataura.

“Ari kuita chipfambi achindinyepera kwaanenge aenda uye anozotaura kana achinge adzoka. Dzimwe nguva anoti anga ari kuSouth Africa, pamwe oti anga ari kumuteuro kwenguva inodarika svondo ariko,” anodaro.

Anoti mudzimai wake ari kufurirwa neshamwari yake.

“Ari kufurirwa neshamwari yake yaanoti ari kushandira vachindivanzira kwavanenge vari uye ndiyo iri kumuudza kuti asandatiterere semurume wake.

“Ndikamuudza zvekuita, ngaaite zvandataura kwete kuda kuchinja chinja achindiudza zvisina basa,” anodaro Marozhe.

Maodzwa anopikisana naMarozhe achiti akamutiza pamba, saka haana kodzero yekumuudza zvekuita.

“Akanditiza akanogara kwake, ndozvaanoita pose paanenge awana mari. Saka haakwanise kundiudza zvekuita nekuti haasisiri murume wangu.

“Yaari kuti shamwari yangu haisi wangu ndega, asi kuti ndeyedu tose, takambopihwa mari naye iye aripo,” anodaro Maodzwa.

Mutongi Noah Gwatidzo akarasa chikumbiro chaMarozhe chegwaro redziviriro achiti haana kupa humbowo huzere hunoratidza kuti ari kushungurudzwa naMaodzwa.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *