Makore 11 Chitungwiza yakatarisana nedambudziko remvura

Muchaneta Chimuka

VAGARI vemuChitungwiza vari kuramba vachichema nedambudziko remvura iro rave nemakore anosvika gumi nerimwe vakatarisana naro izvo zviri kuona vamwe vachipona nekushandisa mvura yemumatsime asina kuchengetedzwa uye zvichipa mukana mukuru wekunyuka kwezvirwere zvemanyoka zvakadai setyhoid, desentry kana cholera chaiyo.

Vamwewo ndivo vave kuita katsika kekupaza midziyo yekanzuru iri panzvimbo inosvikira mvura yemuChitungwiza (main water valve) vachitora mvura pachena izvo zviri kuita kuti kanzuru iyi irasikirwe nemari zhinji.

Main water valve iyi iri padyo neDam View kumabvazuva kweSt Mary’s Police Station.

Nomusi weChina chino, Kwayedza yakashanyira muzinda uyu ikawana vabereki nevana vari mushishi kuchera mvura yaibva pamain water valve iyi.

Vamwe vaiwacha nhumbi nekuchereredza mvura muzvigubhu vachizozviisa mudzimotokari.

Kuvhurwa kwemain water valve iyi kunoreva kuti vamwe vanhu vanogona kuita hutsinye hwekukanda tsvina kana muchetura mumvura inonwiwa neruzhinji pakaita dambudziko guru munyaya yekuchengetedzwa kweutano hwevanhu.

Mamwe emadzimai aiwacha panzvimbo iyi pamwe nekugezesa vana, anoti dambudziko rekushaikwa kwemvura muChitungwiza ndiro riri kuita kuti vagumisire vachifamba nzendo ndefu kuenda kunochera mvura pamuzinda uyu.

“Hatisi kuvhura tega, kwete, tiri kutovhurirwawo. Kazhinji pane munhu anouya achituvhurira mangwani nemanheru kuti tiwane mvura. Tinofara kuti mvura iyi yakachena zvikuru, tinotoinwa zvedu asi dambudziko nderekuti iri panzvimbo isina kuchengetedzwa nokudaro mukana wekurwara nemanyoka wakakura,” vanodaro Mai Natasha Dzvadzvike vanova mugari wekuSt Mary’s.

Vanoti vava nemakore 11 vakatarisana nedambudziko remvura kubva pavakatanga kugara munharaunda iyi.

“Mvura yemupombi iri kubuda kamwe chete kana kaviri pamwedzi. Sezvamunoziva, raramo yedu inobatwa nemvura sesu madzimai nekuti tisu tinotarisirwa kuti tigezese vana, kuwachira mhuri, kubika, kushambidza mudzimba nezvimbuzi. Tiri panguva yakaoma, apa mitero yemvura iri kuuya ichidhura asi mvura yacho tisina. Dai taisirwa maPre-Paid Water Metres munharaunda sezvo zvinobatsira kuti tibhadhare mvura yatinenge tashandisa nekuti kutaura chokwadi pano tiri kubirwa nekanzuru zviri pachena,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naMai Precious Gutu vekuZengeza 1 avo vaiwachirawo pamuzinda uyu vachiti mhuri yavo iri kutotambudzwa nemanyoka.

“Kumba hakuna kumira mushe tatambura nemanyoka, nhunzi dziri kungotenderera kubva kuzvimbuzi dzichienda kuchikafu. Hatina mvura yekufurasha muzvimbuzi nekuti kwatiri kuichera kuno kure nekwatinogara, chitori chinhambwe chemakiromita mashanu saka zvinotoda vane ngoro kana motokari. Tave nemakore gumi nerimwe tisina mvura,” vanodaro.

Mai Natasha Dune vekuZengeza kwekare vanochemawo kukanzuru pamwe neHurumende kuti vawedzere huwandu hwezvibhorani muChitungwiza.

“Tinotenda Hurumende yakaticherera zvibhorani munharaunda yeChitungwiza asi zvishoma uye zvimwe hazvichabuda mvura nekuti pasi paoma. Zvimwe zvakacherwa nekanzuru zvakatofa uye hazvina kana kuzombogadzirwa. Kanzuru ngairegedze kutidhurira pamitero yedzimba nemvura kana isiri kutipa sevhisi yakawana nekuti tinotoona sekubirwa,” vanodaro.

Zvakadaro, mutauriri wekanzuru yeChitungwiza, VaTafadzwa Kachiko, vanobvuma kuti dhorobha ravo rakatarisana nedambudziko remvura.

“Dambudziko remvura ririko asi iko zvino rati dererei nekuda kwekuti tine zviborani zvatiri kugadzirisa zvainge zvakafa. Nerimwe divi, kanzuru yeHarare yava kutiwanisa 14 megalitres dzemvura kubva pa3 megalitres dzataimbowana munguva yadarika kureva kuti takati wedzerwei huwandu hwemvura iyo yatiri kugovera kuvanhu kaviri pamwedzi,” vanodaro.

Vanoti vanhu vari kuparadza midziyo yekanzuru vachichera mvura vari kupara mhosva yakakura.

“Imhosva huru inoendesa kujeri kuparadza midziyo yekanzuru, zvikuru avo vari kuba mvura yakacheneswa (nemishonga) nekuti kanzuru iri kutorasikirwa nezviuru zvemadhora nekuda kwehumbavha hwemvura. Tiri kutuma maengineer edu nevanoona nezvekuchengetedzwa kwemidziyo yekanzuru kuti vanoita ongororo. Zvekare, hakuna vari kuvavhurira mvura vanoshanda kukanzuru asi kuti vanhu vari kutopaza midziyo yedu nerweseri kuti vawane mvura yepachena,” vanodaro VaKachiko.

Mugore ra2008, apo Zimbabwe yakawirwa nedambudziko guru rechirwere checholera, chakatangira kuChitungwiza chikazopararira nenyika yose izvo zvakaona chichiuraya vanhu vanodarika 4 000.

 

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×