Sukulwenkosi Dube-Matutu
AMBUYA vane makore 107 okuberekwa vemumusha weBengo kuWard 17, kuGwanda vakafa zvinosiririsa mushure mekunge mbatya dzavo dzabatira moto ndokutsva muviri wose apo vaive muimba yekubikira.
Mbuya Perina Zhou vakashaya nemusi weChipiri svondo rino munguva dzemasikati.
Vavakidzani vavo vanoti vakavanzwa vachichema vachida rubatsiro apo mutumbi wavo wainge wakaputirwa nerimi remoto.
Mwanasikana wavo, Mai Sithenjiwe Ndlovu, vanoti amai vavo vakapedzisira kuonekwa vari vapenyu mangwanani emusi uyu.
“Amai vaigara nemumwe mushandi wemumba avaichengeta. Chipiri mangwanani, mushandi uyu akavesa moto muimba yekubikira ndokuvapa tsvutugadzike ndokuvasiya muimba yekurara vasati vabuda.
“Ava masikati, mumwe muvakidzani wangu akandizivisa kuti amai vangu vari kutsva, patakasvika vakazvambarara pasi, muviri wavo wakange watsva uye vasingachafambi,” vanodaro.
Mai Ndlovu vanoti chiitiko ichi chakavakatyamadza zvakanyanya.
“Amai vangu vakange vachiri kukwanisa kuita mabasa akareruka uye kufamba-famba. Vaitogona kuzvigadzirira zvokudya. Zvinorwadza kufirwa naamai nenzira inotyisa kudaro,” vanodaro.
Vanoti kurarama kwaamai vavo makore akawanda chaive chikomborero mumhuri yavo uye rufu rwavo rwunorwadza zvikuru.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMatabeleland South, Inspector Chiratidzo Dube, vanotsinhira nyaya iyi.
“Takagamuchira nyaya inosuwisa zvikuru yaambuya vane makore 107 okuberekwa avo vakatsva nemoto kusvika vafa.
“Mbuya Perina Zhou vaive vega pamba uye kuma12pm vakazonzwikwa nemuvakidzani vachiridza mhere muimba yekubikira, mutumbi wavo wakaputirwa nemoto,” vanodaro.
“Pakasvika vanhu vemumusha uyu, mutumbi wavo wainge uri pasi uye nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa ayo akaenda panzvimbo iyi. Mutumbi uyu wakazoendeswa kumochari yechipatara cheGwanda Provincial Hospital uko wakamirira kuongororwa,” vanodaro Insp Dube.
Vanokurudzira veruzhinji kuti vachengetedze vakwegura nechinangwa chekudzivirira njodzi dzerudzi urwu.



