Muchaneta Chimuka
MURUME ane makore 21 okuberekwa wekuDema, kwaSeke anonzi akafa mushure mekudzipwa nemweya wengozi yemukoma wake mune rimwe bhawa reko iro rakaponderwa mukoma wacho zvekare.
Mushakabvu uyu, Tashinga Chirunga (21), anonzi akadzipwa nemweya wengozi yaTapiwa Chirunga.
Tapiwa akafa achipondwa mune rimwe bhawa riri kuDema kwakare makore manomwe adarika apo aive nemakore 25 okuberekwa.
Tashinga akafira mubhawa rimwe chete iri achiita mashiripiti seakagarwa nemweya wemukoma wake.
Anonzi aisimudza snooker yemubhawa iri ari ega zvisinei nekurema kwakanyanya kwainoita, kupwanya mahwindo uye asiri kuda kuenda kumba kana kudaidzwa nezita rake chairo achida remukoma wake.
Tashinga akashaya nomusi wa24 Chikumi akazovigwa nomusi wa27 Chikumi kwaSeke kwekare padyo nepakavigwa mukoma wake.
Amai vake vakashaya makore adarika nekudaro aigara nababa vake, VaOnwell Mubaiwa Chirunga (54).
Mushakabvu uyu aigarawo nevanin’ina vaamai vake vaviri vanoti Nyarai Chikomo (45) naNetsai Chikomo (43) mubhuku raChinamano kuDema.
Mhuri iyi ichiri mushishi yekufamba kune vechivanhu nekumaporofita senzira yekuedza kutsvaka mhinduro zvichitevera manenji aya.
Nomusi weChipiri svondo rino, Kwayedza yakashanyira vemhuri iyi vakadurura nhunha dzavo.
VaOnwell Mubaiwa Chirunga (54) vanoti vanorwadziwa zvikuru nekurasikirwa kwavari kuitwa nevana nekuda kwengozi.
Vanoti ngozi iyi iri kusairirwa nevakaponda mwana wavo, Tapiwa, mubhawa reInner City Night Club riri kuDema kwekare.
“Ndaiva nevanakomana vatatu saka iko zvino ndarasikirwa nevaviri vanoti Tapiwa uyo akashaya aine makore 25 ekuberekwa mugore ra2018, kuchizoti Tashinga (21) akafa musi wa24 Chikumi gore rino tikamuradzika musi wa27 Chikumi. Kureva kuti ndasara nemwanakomana mumwe chete ane makore 27, Tawanda, uyo ana amai vake vakaenda asi ndinogara naye pamusha nemudzimai wake,” vanodaro.
“Firo iri kuita vana vangu ndiri kuona uri mweya wengozi yaTapiwa uyo akafa achipondwa nekuti vapari vemhosva vakangopihwa bhero muna2018. Nyaya yacho hatina kuzonzwa magumo acho saka vari kunze uye ndakanzwa kuti vari kutofambawo kuchivanhu mushure mekunetswa nemweya waTapiwa. Saka ndinovimba ndivo vari kusundira mhepo iyi kwatiri isu vacho takatadzirwa.”
VaOnwell Mubaiwa Chirunga vanoti mumwe wevanhu vakapara mhosva yekuponda mwana wavo ndeweukama kumadzisekuru avo.
“Tashinga aigara achigarwa nemweya wemukoma wake akashaya zvekuti kazhinji aida kutoswera ari mubhawa raakafira uye ndimo zvekare maakazofira zvinova zvinotipa pfungwa yekuti mweya wengozi uri kunetsa. Aipwanya mahwindo ebhawa iroro, kusimudza snooker, kutaura nezwi remufi uye achirwisa wese anenge amudeedza nezita rake rekuti Tashinga. Ainge oda kudeedzwa nezita remukoma wake, Tapiwa, saka takava nepfungwa yekuti chivanhu chekutogarwa nemweya wemufi. Paakafa, akatodzipwa nemweya wemufi,” vanodaro.
Vanoenderera mberi vachiti: “Takafamba kwakawanda asi taikundikana kuwana mari nezvinhu zvaidiwa, iye aitotiudza kuti tiri kunonoka kugadzirisa zvinhu uye hakuperi masvondo maviri asati afa kana tichinge tanonoka kugadzirisa zvinhu izvi. Zvedi mwana wangu akazoshaya masvondo maviri aaitaura asati adarika uye akasiya tsamba iyo akanyora kuti: ‘Two Weeks Time – Makanonoka Baba’ yaakanyora nekirayoni yegirini.”
Vanoti kwese kwavaifamba vainzi vatenge hwai nemachira vachibvisiswa mari zvinova zvaivaremera kuti vazadzikise mhiko dzaidiwa nenguva.
Zvisinei, VaOnwell Mubaiwa Chirunga vari kuzvidemba zvekare kuti vakakundikana kutevedza chivanhu chinofanirwa kuitwa kana munhu akafa achipondwa kana kuzviuraya pakafa Tapiwa.
Pachivanhu, munhu afa achipondwa kana kuzvisungirira anonzi haafanirwe kupinzwa mumusha sezvo kana zvikadaro kunenge kuri kupinza mweya werufu mumusha.
“Pakashaya Tapiwa, takamuchemera mumba tisati taenda nemutumbi wake kumakuva, pamwe ndipo patakavhiringa chivanhu zvava kuita kuti mweya werufu utenderere mumusha. Ndava kutya kupedzerwa vana nengozi iyi. Tashinga paakashaya takamuchemera pamahofisi ekanzuru yeDema ndokunanga naye kumakuva. Hatina kumupinza mumba kana mbatya dzake hatina kudzigova, takamuviga nadzo tikaparadza dzainge dzasara,” vanodaro.
Vanin’ina vaamai vaTashinga vanotsinhirawo nyaya iyi.
“Pazuva rashaya Tashinga, akaenda kubhawa rakafira mukoma wake achirambirako. Imbwa dzakawanda dzinonzi dzakamuhukura zvisinganzwisisiki iye achichema kunge katsi nekusada kudeedzwa nezita rake achida remukoma wake mushakabvu. Akafa achiita kunge ari kudzipwa achifemera pamusoro nekuzvimba dumbu. Patakadeedzwa kubhawa uku zvichinzi atanga, takawana achisimudza snooker nekupwanya mahwindo. Patakaona kuti mweya wake wava kuita sewava kubuda, takamuendesa kuchipatara cheChitungwiza Central Hospital uko takasvikoudzwa kuti ainge atoshaya,” anodaro Netsai Chikomo (43).
Nyarai Chikomo (45) anoti anorwadziwa nendufu dzevana vemukoma wake idzo dzinovasiya vaine mibvunzo yakawanda isina mhinduro.
Anoti hama dzemumwe ari kupomerwa mhosva yekuponda Tapiwa, dzakatombouya dzichida kubvissa mari yechema pakashaya Tapiwa.
Vanonzi vakazouya zvekare vachida kunzwa mazano ekuti vangaripa sei mweya wengozi uyu.
Nyarai Chikomo anoti ivo semhuri vaive netarisiro yekuti mufi arwise uye ataure ega kuti anoda kuripwa sei pamunhu anenge agarwa nemweya wake zvinova zvisina kuzoitika.
VaRonny Murehwa vanove mubereki wemumwe wevanhu vari kunzi akaponda Tapiwa, vanoti vanobvuma mhosva yakaparwa nemwana wavo.
“Isu mhosva yakaparwa nemwana wedu nevamwe vake vaviri kubhawa kwavairwisana tinoibvuma saka tinotodawo kubatsirwa nemazano ekuti tosangana sei nemhuri iyi kuti tikwanise kuripirana nekuti chatinokoshesa kugarisana zvakanaka. Hongu, nyaya yakamboenda kumatare edzimhosva asi vakapihwa bhero uye vari kunze nekuti hatizivi kuti chii chakaitika ikoko kusvika nhasi uno,” vanodaro VaMurehwa.
Zvakadaro, Mbuya Simbisai Magora vanova svikiro uye nyanzvi yezvechivanhu vari nhengo yeZimbabwe National Practioners Association (ZINPA) vanoti munhu afa nekupondwa kana kuzviuraya haapinzwe mumusha nekuda kwekuti kuita ikoko kunokwezva mweya werufu mumusha.
“Munhu azviuraya kana kupondwa anobviwa naye kumochari vanhu vonanga nemutumbi kumakuva, ndiko kunoitirwa minamato kana chivanhu ikoko pachirevererwa kuti mweya uyu usadzoke mumusha asi kuti uronde vakaponda vacho. Musha iwoyo unotoda kuchenurwa nekuti unoramba uine rushambwa. Mbatya dzemufi dzinochererwa gomba dzofushirwa panguva imwe chete inofushirwa mwene wadzo kumakuva ikoko. Hadzigovewi kunyangwe dzikanaka sei uye hadzitenderwi kuendeswa kumisika kunotengeswa nekuti dzinenge dzakatakura munyama nemweya werufu,” vanodaro.



