Makorokoza 2 asungwa aponda munhu

Kingstone Mapupu

MAKOROKOZA maviri, Tinotenda Mushoriwa (35) naChristine Ngwarai (49) vakasungwa nemhosva yekuponda munhu pane mumwe mugodhi uri kuKwekwe.

Detective Inspector Rachel Muteweri vanova mutauriri wemapurisa ematikitivha echikamu cheCriminal Investigations Department (CID) vanoti nemusi wa15 Chikunguru nenguva dza10 husiku, vaviri ava vakanetsana nemumwewo munhu pamugodhi uyu vachibva vatanga kurwisana.

“Panguva yavairwisana iyi, vaviri ava vakanhonga matanda ndokutanga kurova nawo mumusoro memuchakabvu uyu zvakaita kuti afende uye achibva afa ipapo.

Vaviri ava vakabva vatiza vaona kuti vakanga vapara mhosva,” vanodaro Det Insp Muteweri.

Vanoti nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa apo Mushoriwa naNgwarai  vakabva vasungwa uye vakamirira kupinda mumatare edzimhosva.

Mune imwewo nyaya, Godfrey Smart (31) naJorum Rukara (32) vakasungwa kuKaroi nekuda kwemhosva yavari kupomerwa yekuponda.

“Zvinonzi nemusi wa14 Chikunguru gore rino, mumwewo munhu aitsvaga huni musango remapuranga akaona mutsetse weropa mukamugwagwa kanobva kunzvimbo yemabhizimisi  yeChinyere kuKaroi. Pakuramba achifamba, munhu uyu akazoona mutumbi wemunhu mukati mesango iri achibva anomhan’ara kumapurisa,” vanodaro Det Insp Muteweri.

Vanoti mukufeewa kwenyaya iyi, mapurisa akazokwanisa kusunga Smart zvakazoitawo kuti vasunge zvakare Rukara.

“Zvakabuda pachena kuti nemusi wa13 Chikunguru nenguva dza2100 hours, vaviri ava vainwa doro mubhawa repanzvimbo yemabhizimisi yeChinyere vaine mufi uyu. Vanonzi vakazotanga kunetsana nenyaya isina kuzivikanwa vachibva vamuponda ndokunokanda mutumbi wake musango remapuranga uko wakazowanikwa usina kupfeka,” vanodaro Det Insp Muteweri.

Vaviri ava vakatopinda mudare redzimhosva reKaroi Magistrates Court nyaya yavo ndokudarikidzwa mberi uye vachadzoka zvakare mudare nemusi wa29 Chikunguru.

Mapurisa ari kurumbidza veruzhinji nekuramba vachivapa mashoko anoita kuti vasunge nhubu dziri kupara mhosva dzakasiyana-siyana nenguva uye dzichiendeswa kumatare edzimhosva.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×