Murume atongerwa makore 15 mujeri nekuda kwe54 kgs dzembanje

Kingstone Mapupu

MUNYAYA inotaridza kusimbaradzwa kwekurwisana nekushandiswa kwezvinodhaka munyika, dare reBeitbridge Regional Court rakatongera James Vengesai (43) wekwaRukweza 2 kwaChirumhanzu kuti agare mujeri kwemakore makore 15 nekuda kwemhosva yekuwanikwa aine zvinodhaka.

Vengesai akasungwa nemusi wa2 Chikunguru gore rino apo chikwata chemapurisa nevamwe vabati vezvemutemo vaishanda pamwe chete kutsvaga nhubu dzinopara mhosva  dzekuyambuka miganhu yenyika zviri kunze kwemutemo pasi pechirongwa chinodaidzwa kuti: “No To Cross Border Crimes”.

Mutauriri wemapurisa echikamu chematikitivha cheCriminal Investigations Department (CID), Inspector Rachel Muteweri, vanoti mapurisa akamisa Vengesai ndokumusecha vakamuwana aine mbanje inorema makg 54,343 achibva asungwa.

Vengesai akazomiswa pamberi pemutongi Mai Charity Maphosa apo akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore gumi nemashanu nekuda kwemhosva iyi.

Det Insp Muteweri vanoti mune imwe nyaya inodyidzana neiyi, Evelyne Pika (47) wemumugwagwa waJongwe kuMufakose muHarare akapindawo mudare rimwe chete iri api akawanikwa aine mbanje yairema makg 31, 650 akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore masere.

Vanoti nyaya dzekushandiswa kwezvinodhaka dziri kuramba dzichiwanda munyika.

“Zvinoda kushandirapamwe weruzhinji nemapoka ose neHurumende  mukurwisana nekutorwa kwezvinodhaka.  Tinorumbidza matare edzimhosva nekuramba achipa zvirango zvakaomarara kuvanhu vose vanobatwa nemhosva yekutengesa zvinodhaka kana kuwanikwa vainazvo,” vanodaro Det Insp Muteweri.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *