Makororo 2 atongerwa kugara mujeri kwemakore 144

Kingstone Mapupu

MAKORORO maviri, ayo akange aita mukurumbira wekubira vatyairi vedzimotokari mari nemimwe midziyo  mumigwagwa kuMwenezi apo vaive vakapakata, akatongerwa kugara mujeri kwemakore 144 pamumwe nemumwe wavo.

Vaviri ava ndiGift Maphosa (50) wekuDulibadzimu kuBeitbridge naMpokiseng Dube (27) wekwaSabhuku Siyoka kudunhu raMambo Staudze kwakare kuBeitbridge.

Vaviri ava nemusi wa13 Zvita mugore ra2024, vakaruka zano rekuba ndokunogarira vatyairi vedzimotokari  mumigwagwa vachivabira midziyo yakasiyana.

Mutauriri wechikwata chemapurisa chematikitivha eCriminal Investigation s Department (CID), Detective Inspector Rachel Muteweri,  vanoti makororo maviri aya vaivhara migwagwa nematombo nguva dzeusiku. Vatyairi vedzimotokari pavaimira vachida kubvisa matombo  mumigwagwa, makororo aya aibva abuda musango vaine pfuti vovavhundutsira uye vovabira midziyo yakasiyana nemari.

“Makororo aya panguva iyi vainge vakapakata nepfuti duku dzemapistols vaizongobudikira nemusango vovhundutsira vatyairi ava nepfuti vobva vavabira nekuvatorera zvinhu zvakasiyana zvavainge vainazvo kusanganisira mari.  Mukuba uku, vakapfura vanhu vaviri vakavakuvadza zvikuru,” vanodaro Det Insp Muteweri.

Vanoti makororo aya akazoigochera pahutsi apo matikitivha akawana runyerekupe  rwekuti Maphosa aiva muchikwata chaibira vanhu ichi nemumwe wake.

“Matikitivha akabva akwanisa kusunga Gift Maphosa zvakabvawo zvaita kuti vasunge Mpokiseng Dube kuBeitbridge nemusi wa22 Kukadzi gore rino. Vaviri ava vakazomiswa pamberi pedare redzimhosva reChiredzi Regional Magistrate Court nemusi wa30 Chikumi pamberi pemutongi Mai Judith Zuyu namuchuchisi Tanyaradzwa Tinarwo. Vakabatwa nemhosva vakapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 144 mumwe nemumwe wavo,” vanodaro Det Insp Muteweri.

Vanoti mapurisa anoramba achitenda zvikuru veruzhinji nekuvawanisa mashoko anoita kuti makororo nevamwe vapari vemhosva vasungwe.

“Tinorumbidza nekutenda zvakare matare edzimhosva uyewo nevatongi vacho nevachuchisi nekuzvipira kwavo mubasa ravo vachipa nhubu mitongo inofambirana nemhosva dzavo, zvichipawo dzidziso kuruzhinji kuti mhosva hairove uye haibhadhare,” vanodaro Det Insp Muteweri.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×