Kingstone Mapupu
MHURI yekwaGudyani inobva kwaSabhuku Dare kwaDotito, kuMt Darwin – iyo inonamata chechi yeJohane Marange – inoti yapera kufa zvisina tsarukano kubva munaNyamavhuvhu kusvika Gumiguru gore roga-roga.
Dambudziko remhuri iyi rinonzi rakatanga makore mazhinji akadarika uye rakazowedzera muna2009.
Mhuri iyi inoti dambudziko ravo rine chekuita nehurombwa uye kwavanofamba zvinonzi zvinokonzerwa nemumwe wemadzibaba avo wavanoti akaromba kuti apfume.
Vemhuri iyi vanoti vakambosendeka zvechinamato pasi mushure mekuona kuti vava kupera nechakapedza mbudzi.
Vanoti vaneta nekufamba kumaporofita akasiyana pasina chinobatika nekudaro vave kumbozama kuenda kun’anga sezvo vachiti chavari kuda kubatsirwa kubvisirwa zvikwambo zvapedza kuuraya dzinza.
Kwayedza svondo rapera yakavawana vemhuri iyi vanokwana 13, varume nemadzimai, vachibatsirwa neimwe n’anga yemuHarare.
Mhuri iyi yaitungamirirwa nababa vaiva vakabata tsvimbo dzevamwe vanababa vavo vakuru vanonzi vaiva varamba kufamba kuti zvinonetsa dzinza iri zvigadziriswe. VaEzekiel Gudyani (42) ndivo vaitungamirira mhuri iyi.
“Isu tine dambudziko guru rekufirwa, kubva kwepamiviri emadzimai emumusha varoorwa, kufa kwevanhu uye vana vadiki vapera makuva haachaverengeka. Ivo vanhu vakuru tapera kufa zvekare musha angova marinda oga-oga.
Vanhu vanofa vanobvira kuvana vacheche vachigumira kuvakuru vemakore 32 ekuberekwa, havadarike apa vazhinji vacho. Vanofa mimwedzi inobvira Nyamavhuvhu, Gunyana kusvika Gumiguru. Kureva kuti mwedzi iyi kana yava kusvika tinoziva kuti kuchema kwakuswedera,” vanodaro VaGudyani.
Murume uyu anoti vakatokumbira kuvakuru vechechi kuti vambosendeka kunamata vafambe muchivanhu vagone kubatsirwa kubvisirwa zvikwambo, nyanga mishonga yakaipa nezvimwewo.
“Kana muchiziva musha unofiwa musha wedu, hakuna zvakadaro. Kunze kwekufiwa, vanhu vanhu vari kuita dambudziko rekurasika pfungwa, kuremara mitezo uye kubuda masiriri kwevana nevanhu vakuru.
Pamusoro pezvo, vemhuri vari kushaya mbereko kuvanakomana nevasikana, kushaya mabasa, kuona nyoka hombe muzvivanze nemudzimba nezvimwe zvakawanda zvinotyisa,” vanodaro VaGudyani.
Vanoti dambudziko iri rakatanga richibva kumadzitateguru avo nevamwe vapenyu varipo.
“Tine mukuru wedu akashaika mumusha medu akadyiwa muviri wese nezvinhu zvisina kuonekwa zvatinoti zvikwambo kana kuti zvidhoma. Chitunha chakarumwa miromo nemhuno nekumeso kwese kusanganisawo maoko netsoka. Tine ‘trunk’ renhumbi dzemufi dzakagoverwa imwe hama yedu zvakazowanikwa zvakakandwa mubako tikashaya kuti zvakaitirwe chii.
“Pamba pangu ndakawana pakaiswa gate pachivanze nezvimwe zvakawanda zvinotyisa zvinoitika mumusha medu uyewo nemarasha muzvivanze,” vanodaro VaGudyani. Murume uyu anoti anoshandira kunze kwenyika uye akatomiswa nevana kudzokera kubasa kuti asiye agadzirisa dambudziko iri.
“Izvozvi tine vanhu vaviri vari kunzi vakatarisana nekufa mimwedzi iyi vari muno nhasi mudare rino. Saka taona zvakakodzera kuti tisarare nezamu mukanwa nekuti tinopera rumwe- rumwe. Tinogara tichinangana huroyi musha wese, kusanganisa nevari pano nhasi saka tauya kuno,” vanodaro VaGudyani.
Vanoti kune vamwe vedzinza ravo vakatotama misha kunogara kunyika dzemhiri nekutya kufa.
Vanotiwo kune hama dzavo dzisingauye kuzobata maoko kana kwafiwa kunyange vachigara padyo.
Vanakomana vemumhuri iyi vanonzi havaroore uyewo vanasikana havaroorwe zvakare.
Vashoma vacho vane mikana yekuroorwa vanorambwa, vanakomana vachitizwawo nemadzimai.
Zvisinei, pavarume gumi nemumwe chete vakauya kudare iri, vane madzimai anotangira pavaviri zvichienda mberi kunze kwemumwe ane mudzimai mumwe chete. Vanoti vanhu vanotanga mabhizimisi anoparara zvichikonzerwa nedambudziko iri.
“Tine mumwe hama yechirurume yakafa yava kutsika nezvidodoma kana kuti zvigunwe asina kurwara tikatadza kuziva kuti chirwere cherudzii. Zvekuti tazouya kun’anga kuzobatsirwa isu tiri mapositori hazvina basa, chatinoda kubatsirwa kuti tipone nekuti tinopera kufa,” vanodaro VaGudyani.



