Muchaneta Chimuka
VAIMBI vanosanganisira Ammara Brown; Master H; Saintfloew naNutty O vakaita zvinorova pa10th Castle Larger Braai Festival muGlamis Arena, muHarare, nomusi weMugovera wadarika.
Dopiro iri raitsigirwa nekambani huru inogadzira zvinwiwa zvisingadhaki pamwe nekubika doro yeDelta Corporation Limited.
Vamwe vakaimba zvinodakadza, zvekutosiya vanhu vachiita sevabatwa nemagetsi, vanosanganisira EXQ, Nisha Ts, DJ Tira, Heavy K, Tamy Moyo neChillspot Family.
Tamy Moyo, uyo ainge akapfeka hanzu dzeruvara rwepurple dzinotaima, akaimba rwumbo rwake rwune mukurumbira, “Mamero”, urwo rwakasiya chaunga chichidaidzira engo.
Nerumwe rutivi, Ammara Brown akaimbawo zvinonwisa mvura achirangarira baba vake Andy Brown, apo akazunguza siteji nekushaura nezwi rakaurungwa serengirozi.
“Ndinofara zvikuru kuona chaunga chichiratidza kuti chiri kufarira mimhanzi yedu yemuno muZimbabwe. Ticharamba tichiimba nenzira inoita kuti munhu wose anzwe kuda kutitevera kunyangwe pasocial media nokuti ndiyo nguva yacho yokuti tichimhanye,” anodaro Ammara.
Enzo Ishall akanetsawo nerwumbo rwake ‘‘Musoro”, ukuwo muimbi wemuChitungwiza Master H akasimudza chaunga nenziyo dzake dzinosanganisira ‘‘Dhadzi”, “Zviri Mumoyo” na“Nawanadem”.
Kunze kwekuvaraidzwa nemimhanzi, voruzhinji vakawana zvakare mukana wekugocha nyama nekunwa zvokuti kwaive kusingadanwi anonzwa.
Muhurukuro nemunyori uno, Mai Patricia Murambinda, vanove general manager — corporate affairs — kuDelta, vanoti chinangwa chokuita dopiro remhando iyi ndechokucherechedza kukosha kwenziyo dzemuno nekupa ruremekedzo kuvaimbi, zvikuru munyaya dzekuchengetedzwa kwetsika nemagariro.
“Tine vanhu vabva kumatunhu akasiyana-siyana vauya kuzofara pamwe chete, vachitsigira vaimbi vemuno nokuti tinokoshesa tsika dzedu dzepasichigare apo vanhu vaiumba ukama kuburikidza nekudya uye kunwa vari pamwe chete. Kuita kwakadai kunounza mweya wehumwe, runyararo nekubatana, uye zvinobatsira mukunyevenutsa pfungwa.
“Hatidi kuti vanhu varambe vachitambudzwa nezvirwere zvenjere, nokudaro kumbobva pamba munhu uchifurwawo nemhepo, uchigocha nekunwa nevamwe vako kunorerutsa ndangariro. Inguva zvakare yekugoverana mazano, angave emabhizimisi kana anoumba upenyu,” vanodaro.
Vanoti gore rino, dopiro iri rakapindwa nezviuru zvevanhu, avo vaive vakawanda kudarika vegore rapfuura, izvo zvinotaridza kuti chirongwa ichi chiri kuramba chichiita mukurumbira.
Kunyangwe zvazvo chakaitwa nomusi weMugovera, vamwe vatsigiri vemimhanzi vakatozobuda munhandare zuva raitevera, mushure mekuva mumafaro.



