President votungamira Sadc Anti-Sanctions Day

Munyori weKwayedza

PRESIDENT MNANGAGWA vanotarisirwa kutungamirira chirongwa chekurwisa kuti zvirango zveupfumi zvakatemerwa Zimbabwe zvisiri pamutemo zvibviswe paSADC Anti-Sanctions Day nomusi weMugovera uri kutevera.

Pazuva iri, vachatura mashoko pamusoro pekushingirira kuri kuita nyika munyaya dzebudiriro zvisinei nekuvepo kwezvirango izvi.

Vachitaura kuvatori venhau mushure mekupera kwemusangano wedare reCabinet muHarare nemusi weChipiri chino, Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, Dr Jenfan Muswere, vanoti gadziriro dzezuva guru iri dziri kufamba zvakanaka.

“Zvinangwa zveAnti-Sanctions Day ndezvekukurudzira kubviswa kwezvirango zveupfumi izvi, izvo zvisiri pamutemo, kupa chenjedzo pamusoro pekuipa kwazvo uye kupemberera kutsungirira kwezvizvarwa zveZimbabwe pasi peutongi hune muono wakanaka hwaPresident, Cde Dr ED Mnangagwa; uye kusimbisa kutenda kweZimbabwe maringe nerutsigiro rwemudunhu nepasi rose mukurwisa zvirango izvi, izvo zvakatemerwa nyika,” vanodaro Dr Muswere.

Sechikamu chekucherechedza zuva iri, President Mnangagwa vari kutarisirwa kutura mashoko anosanganisira zvirongwa zveHurumende zvinobatsira voruzhinji uye budiriro yaitwa mukusimudzira upfumi zvisinei nekuvepo kwezvirango izvi.

Utungamiriri hweSADC Secretariat hunotarisirwawo kutumira mashoko edunhu iri ekutsigira Zimbabwe, apo bazi rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro richaita dopiro kana kuti gala reanti-sanctions paHeritage Village muHarare, apo pachange paine vaimbi vane mukurumbira vakasiyana-siyana.

Zuva reSADC Anti-Sanctions Day rakakumikidzwa muna Nyamavhuvhu 2019, zvichitevera 39th SADC Summit of Heads of State and Government yakaitwa kuDar es Salaam, Tanzania.

Rinocherechedzwa nemusi wa25 Gumiguru senzira yekutaridza kubatana kwedunhu iri uye kutsigira kwaro Zimbabwe kubva kuzvirango zvayakatemerwa neUnited States, European Union neshamwari dzavo mumakore ekuma2000.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *