Mambo Chihota vobatsira chikoro

Janet Chikotosa
MAMBO Chihota vekuMarondera, VaRaphael Chigodora, vari kusimudzira dzidzo mudunhu ravo kuburikidza nekuvandudza dzimba dzekufundira pamwe nekubhadharira vamwe vana mari dzechikoro.

Mambo Chihota, avo vanove patron wechikoro cheFuramera Primary School, vari kubatsira zvakare vadzidzi nekuvatengera mayunifomu, mabhuku nezvimwe zvinodiwa muzvidzidzo zvavo.

Vachitaura pagungano rekupihwa kwemibairo kuvana vakabudirira muzvidzidzo zvavo nguva yadarika, Mambo Chihota vanoti donzvo ravo nderekutsigira fundo mudunhu raChihota.

“Ndine vana vandiri kubatsira nekuvabhadharira mari dzechikoro nekuvatengera mbatya dzechikoro. Kunyange vari vashoma zvavo, ndinotarisira kuti vawedzerwe nekufamba kwenguva kana ndichinge ndatsvaga rubatsiro kushamwari dzangu,” vanodaro.

Vanoti chishuwo chavo kuti chikoro ichi chisimukire sezvimwe pachiwanikwawo vana vanobvapo vanobudirira muzvidzidzo zvavo.

“Ishungu dzangu kuti ndione chikoro chino chichibudirira. Ndine zvandinazvo izvo zvandiri kuita pano uyewo ndinokoka vamwe vanoda kubatsirana neni mukusimudzira chikoro chino.

“Ndinokurudzira kuti vabereki vabhadhare mari dzechikoro dzevana vavo kuti tikwanise kushandisa mari iyi mabasa ekuvaka dzimwe dzimba dzekudzidzira.”

Mambo Chihota vanoti pachikoro ichi dzimba dzinogara varairidzi pamwe nekudzidzira vana ishoma pane dzinodiwa nekudaro dzinoda kuwedzerwa.

Vanotiwo kushomeka kwedzimba dzevarairidzi uku kunoita kuti vapedzisire vave kuroja mumisha yakapoteredza izvo zvinovabvisa chimiro.

Vanotiwo vari kuvandudza dzimba dzekudzidzira dzemagwaro eGrade 2 ne3 idzo dzimwe dzacho dzine matenga ave kuda kudonha nekuda kwemujuru pamwe nemafafitera akapwanyika.

“Chikoro chose chine makamuri ekudzidzira anoita 21 asi haakwane. Ndingafare kuona vamwe vanoda kubatsira avo vanogona kuridza nhare kumukuru wechikoro VaMudzamiri panhamba dzinoti 0771 528 206,” vanodaro.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *