MASANGANO anomiririra maporofita nen’anga vari kushona maitiro edzimwe nhengo dzawo, idzo dzinozviti vanatsikamutanda vari kurozva veruzhinji mari nehumwe hupfumi kuburikidza nekushandisa chikiribidi.
Izvi zvinotevera nyaya yemurume wekwaChihota, Lovemore Lewis, uyo anoti anochera nyoka achitengesera maporofita nen’anga.
Mukuru wesangano rinomirira machiremba echivanhu, reZimbabwe National Practitioners Association, VaFriday Chisanyu, vanoti vanoshushikana zvakanyanya nekuda kwemabasa avanatsikamutanda.
“Variko vanotenga nyoka kuvanhu vakadai, zvikuru vanatsikamutanda, avo vasingabvumidzwe nemitemo yenyika ino. Nyoka idzi dzinonokandwa mudzimba dzevanhu, vanhu vobirwa mari nezvipfuyo vachinzi vabvisirwa zvikwambo,” vanodaro.
Vakakurudzira mapurisa kuti vasunge murume wekwaChihota uye avaudze kune vanhu vaaitengesera nyoka kuti vasungwewo.
“Ndakamirira sangano remachiremba, ndinoti murume uyu ngaasungwe adure vanhu vose vaakatengesera nyoka avo vainotsotsawo veruzhinji.”
Mashoko avo akatsinhirwa naVaJohannes Ndanga, mukuru wesangano remachechi echipositori reApostolic Christian Council of Zimbabwe (ACCZ), vachiti kune vamwe vanotenga nyoka kuvanhu vachinodzishandisa kuita hutsotsi hwekubira vanhu.
“Maporofita nen’anga vechitsotsi variko, hazvirambike asi sesangano tiripo kudzivirira ruzhinji. Tikawana maporofita akadaro tinoita kuti vasungwe,” vanodaro.
VaGeorge Kandiyero, vanove mukuru wesangano reZinatha, vanoshorawo vanatsikamutanda vanobira vanhu.
“Tinodzinzwa nyaya dzakadai, kuti kune n’anga nemaporofita vanonzi vanotenga nyoka. Asi zvinhu zvakadai kune vanochera vacho huroyi hukuru. Kune vanoziva vanhu vakadai ngavatiudze tivasungise.
“Zvisinei, kune maporofita echokwadi anobata nyoka chaidzo dzehuroyi kwete zvehutsotsi,” vanodaro VaKandiyero.
Mutauriri wemapurisa munyika, Chief Superitendent Paul Nyathi, vanotiwo vose vanhu vanoita mabasa ekuchera nyoka vachitengesa vanofanirwa kusungwa sezvo iri mhosva huru.




