Man U yorambira naFellaini

MANCHESTER United inoda kuchengetedza Marouane Fellaini kuOld Trafford parizvino uye yakaramba kutaura nezvikwata zvakasiyana zvange zvichida kutenga chizvarwa chekuBelgium ichi nechikwereti mwedzi uno.

AC Milan ndicho chimwe chezvikwata chinoda kutenga Fellaini asi United haisi kuda kumuona achibva achienda kune chimwe chikwata sezvo mwaka uno iri kutatarika zvikuru mumitambo yayo uye ine vamwe vatambi vakawanda vakakuvara. Pane mashoko ekuti mutambi uyu, uyo ane makore 28 okuberekwa uye ane kondirakiti ichapera mugore ra2018, achiri kufunga kuti ramangwana rake riri kuOld Trafford.

Fellaini mwaka uno atamba mitambo misere inosanganisira mina iyo yakakundwa United kakatevedzana nezvikwata zvinoti Wolfsburg, Bournemouth, Norwich neStoke muna Zvita.

Zvakadaro, United yakazosandura matambiro ayo apo yakakwanisa kuwana zvibodzwa zvina.

Mumwe mutambi weUnited, Nick Powell, ari kuda kutengwa nechikwereti nechikwata chePreston chinokwikwidza muChampionship. – Daily Mail Football

Related Posts

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Akazviuraya adyiwa neKandege

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuGokwe, mudunhu reMidlands, akazivisa nezvemurume wechidiki anonzi akazviuraya nekunwa muchetura mushure mekudyiwa mari yebasa nenjuga yeKandege. Kuzivakwashe Gava (22) — uyo aibva kwaSabhuku…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×