‘Wakandisiira masofa uchitiza musha’

Cassius Mushore
MUPURISA wekunzi akatapurira mudzimai wake chirwere chepabonde ndokumutengera masofa senzira yekukumbira ruregerero asi ndokuzomutiza mushure mekunge denda iri ragodza achinogara nemumwe mukadzi, akamiswa mudare. Faina Taderera akamhan’arira Ashton Taderera kuHarare Civil Court achida mari yekuchengeta mhuri yavo.

“Changamire, ini ndiri kuda $200 kubva kumurume wangu nekuti tiri vanhu vakachata. Kubva zvandakatanga kurwara, murume wangu haana kana

kuzomboda kundichengeta, akabva atonditiza achienda kunogara nemumwe mukadzi.

“Aiita zvechipfambi chisingabvire asingarare pamba. Ndipo paaizouya orara neni zvakazoita kuti andizore chirwere zvekuti ini ndava kutorwara.

“Paakaona kuti andizadza chirwere, ndipo paakandikumbira ruregrerero akanditengera masofa ekunditi sori. Ini semunhu aida mumwe wake, ndakamunzwisisa ndikangozvigamuchira zvangu asi utano hwangu hauna kusanduka. Ndipo paakatanga kuita zvechipfambi zvakare achibva azowana mumwe mukadzi waave kugara naye ini achindisiya nemasofa aakanditengera,” akadaro Faina.

Mutongi Barbra Mateko akati vaviri ava vadzoke kudare zvakare apo kutongwa kwenyaya yavo kunenge kuchienderera mberi.

Related Posts

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Akazviuraya adyiwa neKandege

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuGokwe, mudunhu reMidlands, akazivisa nezvemurume wechidiki anonzi akazviuraya nekunwa muchetura mushure mekudyiwa mari yebasa nenjuga yeKandege. Kuzivakwashe Gava (22) — uyo aibva kwaSabhuku…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×