MAONERO EDU: Chii chapinda mupwere dziri kuzviuraya?

SVONDO rino, tine nyaya inosuwisa yemwanakomana ane makore 12 okuberekwa aigara nevabereki vake kuArcadia Farm, kuBindura, uyo ane mutumbi wakawanikwa wakarembera mumuti.

Mukubuda kwenyaya iyi, zvinonzi mutumbi uyu wakaonekwa wakarembera mumuti, musango, nemumwe mufudzi wemombe.

Ongororo yakaitwa nemapurisa yakaburitsa kuti hapana chakaipa chinofungidzirwa kuti chakawira mwana uyu, izvo zvinoreva kuti anogona kunge akazvisungirira.

Nyaya iyi haizi yokutanga yevana vadiki vanonzi vazvisungirira, izvo zvinoita kuti munhu ubva wazvishairwa shumo yazvo.

Izvi zvinotaridza kuti nyaya dzevana vari kuzvisungirira kana kuzviuraya, kusanganisira vane makore mapfumbamwe okuberekwa, dziri kuwanda mazuva ano.

Nguva yadarika, pane mwanasikana ane makore 15 okuberekwa wekuRiverside, kuBulawayo, akazviuraya nekutora muchetura mushure mokunge anetsana naamai vake apo ainge atengesa laptop yake zvisina ruzivo rwavo.

Mamiriro ezvinhu akadai anokahadzisa kuti chii chaizvo chinenge chanetsa mwana wezera rakadai kuti asvike pakutora upenyu hwake nenzira yakadai.

Sangano rinoona nezveutano reWorld Health Organisation rinoti kuzviuraya kuri panhamba yechina pane zvinokonzeresa rufu pamazera ari pakati pemakore 15 kusvika 29 okuberekwa pasi rose.

Kushungurudzika mupfungwa ndicho chikonzero chinonzi chinonyanya kuita kuti vechidiki vafunge kutora upenyu hwavo.

Zvakakosha kuti vabereki nevamwe vachengeti vevana vagare vachiongorora unhu hwevechidiki ava sezvo kusanduka kwahwo kunogona kuve munongedzo wezviri kuvashungurudza muupenyu, izvo zvinozokonzera kuzviuraya zvakare.

Vana ngavasununguke kutaura pamusoro pezvinhu zvinenge zvichivanetsa muupenyu, kwete kuti vabereki vanoshaya nguva yekukurukura navo nokuda kwemabasa uye zvimwe zvikonzero.

Izvi zvinoreva kuti vabereki nemhuri vane basa guru rekuongorora shanduko inogona kuitika kuvana yakadai sekusadya chikafu zvakanaka sakare kana kushaya hope panguva yekurara, izvo zvinogona kuve munongedzo wokuti pane zviri kuvashungurudza.

Nerimwe divi, vana vanotoda mwoyo murefu, kwete kuvaitira hasha dzakadarikidza kana pane zvavanenge vakanganisa.

Kana vabereki nevamwe vachengeti vevana vakaona kusanduka kweunhu hwavo kusinganzwisisiki, zvakanaka kuti vatsvage rubatsiro pachiri pedyo kubva kunyanzvi dzakadzidzira basa rekupanga mazano vana vanenge vachishungurudzika mupfungwa.

Varairidzi kuzvikoro vane basa rakakoshawo zvakare panyaya yekurwisa dambudziko revana vanoshungurudzika mupfungwa, izvo zvinoita kuti vapedzisire vafunga kuzviuraya.

Mwana ange achigona zvakanyanya mukirasi akazotanga kudzikira, panenge pane zviripo. Ichi chiratidzo chokuti pane zviri kumunetsa mupfungwa. Pakadai murairidzi wake anokwanisa kuzviona, dambudziko racho robva ragadziriswa risati rakura.

Muzvikoro zvakare munogona kunyuka nyaya dzemanyunyu, idzo dzinokanganisa vana vakawanda, kureva kuti vakuru vezvikoro vanofanirwa kutora matanho ekupedza unhu hwakadai.

Pamusoro pezvo, Hurumende nemasangano akazvimirira anoona nezveraramo yevana vane basa guru zvakare rekurwisa dambudziko rekuzviuraya kwevana kuburikidza nezvirongwa zvakasiyana-siyana.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×