MAONERO EDU: Ipa munhukadzi kodzero dzake

NYIKA yeZimbabwe nemusi weChipiri svondo rino yakabatana nepasi rose mukupemberera zuva rekucherechedza kukosha kwevanhukadzi, reInternational Women’s Day. Zimbabwe kusvika pari zvino yatora matanho akasimba akananga kusimudzirwa kwevanhukadzi.

Matanho aya anosanganisira kuona kuti vanasikana vane mikana yakafanana nevanakomana panyaya dzefundo.

Kare kune vamwe vaive nepfungwa yekuti mwanakomana chete ndiye anofanira kudzidziswa apo mwanasikana aitarisirwa pasi.

Nhasi uno pfungwa iyi iri kuenda ichipera nekuda kwedzidziso iri kupihwa veruzhinji, yekuti chenga ose manhanga hapana risina mhodzi.

Kune vamwe vanasikana zvakare vari kuita zvinorova muzvidzidzo zvavo kudarika vanakomana izvo zvinoratidza kuti hapana chinoitwa nemunhurume chisingakwanise kuitwa nevanhukadzi.

Muimwe nyaya iri mubepanhau rino, kune sabhuku wechikadzi wekuGokwe ari kuti hapana chinoitwa nemunhurume chigotadzikwa nemunhukadzi.Kana nyaya yemuverengi wenhau wenhepfenyuro yeStar FM, Itai Mutinhiri, inoburitsa pachena kuti vanhukadzi vave kuita mabasa aisinzi anoitwa nevanhurume bedzi. Ndokusaka Itai ari kuzvirova dundundu achiti, “Kana mombe ndinobopa”. Kare izvi zvaindoitwa nevarume bedzi.

Vanhukadzi zvakare vari kusimudzirwa munyaya dzeutano kuburikidza nekuona kuti vawana mikana yekurapwa pasina zvimhingamipinyi zvakanyanya. Izvi zvaona ndufu dzemadzimai akazvitakura nevana dzichidzika panguva yekusununguka. Tikatarisa kunyangwe iyo nyaya yekusununguka mwana chaiyo, ibasa guru nekuti hazvisi nyore kutakura mimba kwemwedzi mipfumbamwe nekudaro izvi zvinoratidza kukosha kwevanhukadzi.

Zvinodadisa kuti mumabasa chaimo vanhukadzi vave kushanda zvakangoenzana nevanhurume pasina kusarurwa.

Tinodaro nekuti kare kune mamwe mabasa ainzi anoitwa nevanhurume chete. Asi nhasi uno vanhukadzi vanoonekwa vachiita mabasa ose-ose anosanganisira kutyaira ndege kana zvitima inova budiriro huru.

Basa rinoitwa nevanhukadzi mukusimudzira upfumi hwenyika iguru nekuti kunyangwe panyaya dzekurima, zvikuru kumaruva, ndivo vanenge vachishanda kudarika vanhurume.

Kunyangwe zvazvo paine budiriro yavepo panyaya yekurwira kodzero dzevanhukadzi, kune zvimwe zvinoda kugadziriswa.

Izvi zvinosanganisira nyaya dzemhirizhonga mudzimba idzo dziri kuitirwa vanhukadzi. Svondo rapera bepanhau reKwayedza rakaburitsa nyaya yemudzimai wekuDomboshava uyo akamiswa mudare reko ndokuripiswa achipomerwa kupfuhwira murume wake achishandisa ivhu raakatora pamakuva.

Mudzimai uyu anonzi akazofunga zvekupfuhwira murume uyu mushure mekunge aneta nekugara achizvambaradzwa. Kana murume wake anozvitsinhira kuti aishusha zvikuru.

Hongu, hazvina kunaka kuti vanhu vashandise mipfuhwira muwanano dzavo asi kudai mudzimai uyu akange asingagare achirohwa haaimbofunga zvekupfuhwira murume wake.

Mhirizhonga yemudzimba inokonzera kusagadzikana kwezvinhu nekudaro haifaniri kukurudzirwa zvachose, zvisinei nezvikonzero zvinenge zviripo.

Ibasa remunhu wose kuchengetedza kodzero dzevanhukadzi nekuti ndivo musimboti wenyika.

Sando dzenyu vanhukadzi!

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×