SVONDO rino bepanhau renyu reKwayedza ratanga chimwe chirongwa chitsva chakananga kukurudzira kuchengetedzwa kwenharaunda dzakachena. Chirongwa ichi chakananga kukurudzira veruzhinji, kusanganisira makambani, kuti vasarasire marara pose-pose.
Huchapa hunokanganisaa nharaunda nemararamiro akanaka uye hunokwezva zvirwere.
Naizvozvo isu tazviona kuti ibasa redu tose, vaverengi nevatsigiri vakaita semakambani nemakanzuru, kuti tive nechekuita mukuchengetedza nzvimbo dzatiri dzakachena. Ndokusaka tiri kuti, “Iwe neni tine basa!”
Pasi pechirongwa ichi, Kwayedza ichange ichishanda pamwe chete nemasangano anoona nezvekuchengetedzwa kwenharaunda, sereEnvironmental Management Agency (EMA), mukuedza kuti chirongwa ichi chibudirire.
Veruzhinji vari kukurudzirwa kutsigira chirongwa ichi nekusarasira marara pose-pose pamwe nekutumira mifananidzo yeavo vanoonekwa vachiita huchapa hwekurasira marara munzvimbo dzisina kukodzera kuKwayedza kuburikidza nenhamba dzeWhatsApp dziri paPeji 7.
Chinangwa ndechekuti kana munhu akaona mufananidzo wake mubepanhau achirasira marara pasina kukodzera, anonyarawo nazvo uye zvichida pamwe mangwana haazozvipamhidze. Kurasira marara pose-pose hazvina hunhu uyu zvine njodzi yekukonzera zvirwere zvakaita semanyoka. Marara zvakare anenge ari panzvimbo isina kukodzera anoita kuti humhutu huwane pekuraramira uhwo hunozoruma veruzhinji zvinovaisawo panjodzi yekutapurirwa zvirwere zvakaita semalaria. Zvakadaro, EMA iri kushandawo nesimba mukuona kuti vose vanorasira marara pose-pose varangwa zviri pamutemo. Sangano iri rakatanga chirongwa ichi mushure mekuona kuti huchapa hwanyanya, zvikuru mumaguta makuru akaita seHarare, Bulawayo, Chitungwiza, Gweru, Mutare neMasvingo. Kune vamwe vanhu nemakambani ane chitsama vakatosungiswa neEMA ndokubhadhariswa faindi mushure mekunge vaonekwa vachirasira marara panzvimbo dzisina kukodzera.
Vamwe vevakasungwa ava vaiti havazvizive kuti imhosva kurasira marara pasina mabhini. Vakadai ava vanopa mucherechedzo wakaipa nekuti kunyangwe pamba pako, munhu haungorasira marare pose-pose.
Zvakakoshawo kuti mumaguta akaita seHarare mabhini ekurasira marara ange akawanda nekuti dzimwe nguva unoona munhu achifamba chinhambwe akabata makoko emabanana achitsvaga pekuarasira asi achipashaya.
Chimwezve chakakosha ndechekuti mabhini aya kana achinge azara marara anofanirwa kutorwa achinoraswa nevashandi vekanzuru nenguva.
Tinodaro nekuti pane imwe nguva yekuti munhu unoona bhini razara zvekufashukira uye vanhu vanoramba vachingotutira marara imomo.
Chirongwa chekuti maguta agare akachena hachibudiriri kana mabhini achigara akafashukira nemarara uyewo kana ari mashoma.
Kune dzimwe nyika imhosva huru kurasira marara, semudzanga wefodya kana muchisi chaiwo, pose-pose uye mitemo yakadai inotevedzwa. Saka hazvingatadze kuitikawo muZimbabwe.
Chinodiwa ndechekuti munhu wose azive kuti ane basa rekuchengetedza, ringave guta kana kuti nzvimbo yaanenge ari, yakatsvinda isina huchapa hwakaita semarara. Tikabatana muhondo iyi tinokunda chete nekuti rwodzi rwakasungwa katatu harudambuke nyore.
Marara pose-pose kwete, iwe neni tine basa!



