Vana vechikoro vakachiona. . . Vamwe vakadzoswa kudzimba . . . Vamwe ndokusiiwa nemabhazi

Vadzidzi vepaChikangwe High School, kuKaroi, vakamirira bhazi kuti vadzokere kuchikoro nemusi weMuvhuro. — Mufananidzo Muchaneta Chimuka
Vadzidzi vepaChikangwe High School, kuKaroi, vakamirira bhazi kuti vadzokere kuchikoro nemusi weMuvhuro. — Mufananidzo Muchaneta Chimuka

CHAINGOVA chipatapata pazviteshi zvinokwirirwa mabhazi nyika yose neMuvhuro apo vana vanodzidza kumabhodhingi vaidzokera kuzvikoro izvo zvakavhurwa nemusi weChipiri svondo rino.

Kwayedza yakaita ongororo muHarare ndokuita hurukuro nevana pamwe chete nevabereki avo vaigunun’una nekunonoka kwaiita mabhazi aiendesa vadzidzi kuzvikoro.

Pachiteshi cheFourth Street, vamwe vana vakashaya zvekuita mushure mekupedza nguva refu vakamirira mabhazi.

Vamwe vevadzidzi vakanyanya kutambudzwa nekushaya zvinovatakura ndeve kuChikangwe High School, kuKaroi.

“Takabhadhariswa $7 pamwana mumwe nemumwe kuti tigohairwa bhazi uye takanzi tive pachiteshi na9 mangwanani. Asi iko zvino dzatova kuma 11 tisati tatakurwa.

“Murairidzi atumwa kuti azoona nezvebhazi rakanzi richazotitakura angouya ndokuenda zvake,” akadaro mumwe mwana uyo asina kuda kuburitswa zita rake.

Vamwe vadzidzi nevabereki ndivo vaiti vakange vasvika pachiteshi ichi nenguva dza6 mangwanani uye kusvika masikati vainge vakangomirira mabhazi.

Tinashe Goteka (16) uyo ari kunotanga Form 2 pachikoro chekuKaroi ichi akati chishuwo chavo chekuti vave nebhazi rechikoro rinozovatakura pasina matambudziko seavakaona nemusi weMuvhuro uyu.

“Chinonetsa ndechekuti chikoro ichi chave nemakore mazhinji chavakwa asi nanhasi hachisati chava nebhazi racho. Zvimwe zvikoro zvine mabhazi azvo zvatotakura vana isu tichingorohwa nezuva pano,” akadaro Tinashe.

Mai Thelma Mbaimbai (21) avo vakange vachiperekedza munin’ina wavo anodzidza paChikangwe ipapo, vakati chikoro ichi chinofanira kurongeka.

“Ini ndakafunda pachikoro ichi muna 2008 asi chinondishamisa ndechekuti hachisati chatenga bhazi racho. Zvinorwadza kuti tinouya kuzogariswa pachiteshi nevana kwemaawa mazhinji pasina bhazi,” vakadaro.

Vadzidzi vepaSt Killians High School, kwaRusape, vaive vasina kubhadhara mari yechikoro vakasanganawo nedambudziko.

“Vamwe vakabhadhara mari dzechikoro, $480, ndivo vatakurwa nemabhazi uye vatoenda kuchikoro. Taudzwa kuti kana tisina kubhadhara $355 pamari iyi, hatikwanisi kukwira bhazi rechikoro.

“Saka baba vangu vatoenda kubhanga kunobhadhara pamwe nekutenga zvimwe zvinhu zvinodiwa kuchikoro,” akadaro Lycon Bhegedhe (14).

Mashoko ake akatsinhirwa naNashe Kapurau (14) wepachikoro chimwe chete ichi achiti akasiiwawo nebhazi rechikoro nekuda kwechikwereti.

Zvakadai, vamwe vadzidzi ndivo vaionekwa vachingomberereka pazviteshi zvemabhazi vakapfeka mayunifomu. Vamwewo vakange vave kutokotsira sezvo vaisaziva zvekuita.

Pakazovhurwa zvikoro zvose nemusi weChipiri, zvimwe zvikoro zvakaenderera mberi nekurambidza vana kudzidza nekuda kwekuti vane zvikwereti. Asi Hurumende haitendere kuti vana vadzingirwe mari dzechikoro, idzo dzinofanirwa kubhadharwa nevabereki, kwete nevana.

 

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×