
PANGUVA iyo nyika iri kusangana nekupisa kwakanyanya, apo dzimwe nhambo kunze kuri kupisa zvekusvika pa43 degrees celsius, veruzhinji vanokurudzirwa kutora matanho anoita kuti vasabatwe nezvirwere zvinokonzerwa nekudziya kwakanyanya.
Kwayedza yakaita tsvakiridzo padandemutande ndokuona kuti kune zvakawanda zvinogona kuitwa neveruzhinji mukuzvidzivirira kubva mukupisa uku.
Vanhu havafaniri kumhanya kana kufamba nzendo refu nekuti zvinoita kuti vange vachidikitira vopedzisira varasikirwa nemvura yakakosha mumuviri.
Vanokurudzirwa kuti vagare vachinwa mvura nguva nenguva inenge ichitonhorera kana zvimwe zvinwiwa.
Putugadzike ine caffeine haikurudzirwe. Mvura ngaigare iri pedyo nevanhu kuitira kuti vasakanganwe kuinwa.
Zvinwiwa zvine caffeine kana doro hazvikurudzirwe munguva yekupisa. Doro rinotonhorera rinosveta mvura yemumuviri.
Mvura inofanira kunwiwa nguva nenguva kwete kumirira kunzwa nyota.
Veruzhinji vanokurudzirwa kupfeka mbatya dzisinganyanye kubata kuitira kuti mhepo inge ichifamba zvakanaka mumuviri uyewo nekupfeka nguwani neshangu dzinopinza mhepo.
Kune vaye vanofarira kuita zvemitambo yekusimbisa muviri sekumhanya, zvakakosha kuita izvi mangwanani kuchiri kutonhorera.
Zvakoshawo kudzima mwenje wemagetsi mudzimba kana asiri kushandiswa nekuti anowedzera kupisa mumba.
Muimba yekubikira ngamusawande vanhu nekuti munozopisa uye vanhu ngavaone kuti vadzima zvitofu mushure mekubika kuitira kuderedza kupisa.
Veruzhinji vanokurudzirwa kudya chikafu chine mvura yakawanda semuriwo, manwiwa, magirepisi, magaka nematomatisi nekuti zvine chikamu che90% chemvura.
Kana uchinge wanzwa kupisa kwakanyanya, zorora uri pamumvuri kana kumbogeza nemvura inotonhora kwechinguva.
Matauro akatota akakosha zvikuru apo munhu unogona kupota achiaisa mumusoro kana kushandisa mvura ine magodo echando uchipota uchikanda mukanwa kana kuaisa panhengo dzemuviri kuti utonhorerwe.
Zvakakosha kuti motokari dzinge dzichipakwa pamagaraji ane matenga kuti dzisanyanya kukanganiswa nekupisa kwezuva kana kushandisa feni remumota.
Musasiye vana vari voga mumotokari dzakavharwa mahwindo nekuti pane mukana wekuti vanogona kufa kana kufenda nekuda kwezuva pamwe nekushaya mweya wekufema wakakwana.
Vana nevanhu vakwegura vane miviri isina kusimba zvakanyanya nekudaro panofanira kuonekwa kuti vawaniswa mvura yakakwana semarita maviri pazuva.




