MAONERO EDU: Mushonga wengozi kuiripa

SVONDO rino, tine nyaya yeimwe mhuri yekuDema, kwaSeke, iyo iri kuti yanetswa nengozi yemumusha mavo.

Mukubuda kwenyaya iyi, zvinonzi pane mwanakomana wemhuri iyi akapondwa nevamwe vanhu vatatu makore manomwe adarika apo vaive vari mune rimwe bhawa reko.

Zvinonzi mushure mekupondwa kwemanakomana uyu, ngozi yake yakazotanga kubuda pane munin’ina wake.

Munin’ina uyu akazofa nguva pfupi yadarika uye akafirawo mubhawa rakashayikira mukoma wake.

Anonzi asati afa, aiita mashiripiti, anosanganisira kusimudza snooker ari ega, izvo voruzhinji vaishamiswa nazvo kuti aiwanepi simba rakadaro.

Munin’ina uyu anonziwo aive asingadi kudeedzwa nezita rake chairo asi remukoma wake mushakabvu.

Sokutaura kwababa vemhuri iyi, vanhu vakaponda mwanakomana wavo vari kutandidzira mweya wake kuti ushungurudze vemhuri yake.

Asi kuita kwakadai hakuna kumbosiyana nekuzvisikira moto muziso.

Hongu, pachivanhu, kune vamwe vanogona kutandidzira ngozi vachishandisa mishonga yakadai sembanda asi izvi zvinogona kushanda kwenguva duku.

Kazhinji, ngozi ikatandidzirwa, inosvika nguva yokuti maitiro aya anozoshaya basa, yonangana nanamuparanzvongo.

Kana zvadai, hapabudi chakanaka nokuti painozopfuka, mushure mekunge mishonga yekutandidzira yave kuramba kushanda, inenge ine shungu dzakanyanya neuturu nokuda kwekumbotsipikwa kwayaiitwa.

Ngozi yemhando iyi inomuka chibhebhenenga chinogona kupedza rudzi.

Ndicho chikonzero vakuru vachiti mushonga wengozi kuiripa.

Hapana imwe nzira inogona kushandiswa asi kuripa chete.

Kuitandidzira kana kutsipika kupedza nguva nokuti inozongopfuka chete.

Kune vamwe vane mufungo wokuti kana munhu akaponda mumwe uye akaendeswa kumatare edzimhosva, opihwa mutongo wake, zvinenge zvatopera.

Kwete, pachivanhu ngozi inofanirwa kuripwa. Zvikasanzarwo, inoramba ichikonzera matambudziko makukutu mumhuri yeanenge akaponda munhu.

Nhasi uno kune mhuri dzakawanda dziri kutambudzwa nengozi yevanhu vakapondwa nemadzitateguru avo.

Vamwe ndivo vari kunakurirana nyoka mhenyu, vasingadi kuripa ngozi dzacho, vasingazivi kuti zvinoda kuita muonerapamwe chuma chemuzukuru.

Asi mukuripisana uku, zvakakosha kuti voruzhinji vazive kuti imhosva huru kuripa ngozi nemunhu, angave mwanakomana kana mwanasikana.

Hongu, izvi zvaiitwa kare asi pari zvino yave mhosva inoendesa munhu kujeri.

Ngozi hairipwi nemunhu asi nezvipfuyo zvakaita semombe uye mbudzi.

Nerimwe divi, nyaya yekumuka kwengozi idzidziso yakasimba kune voruzhinji kuti hupenyu hwemunhu hunofanirwa kukosheswa, kwete kuuraya munhu kunge huku.

Related Posts

 Mabhurugwa evanhukadzi otsakatika akayanikwa pawaya . . . vamwe votevera kasingagumi

Kingstone Mapupu MAMWE madzimai ekuBudiriro 2, muHarare vogara vaine kutya kukuru zvichitevera kushaya kwavari kuita zvipfeko zvavo zvemukati apo vamwe vacho vanozoguma vava kurwara vachitevera kasingagumi.   Zvipfeko zvemukati zvemadzimai…

Sulu opemberera bhavhadhe mwoyo usina kugadzikana

Trust Khosa-Zimpapers SHASHA yemusambo weDendera, Suluman Chimbetu, anoti ari kupemberera kusvitsa makore 44 okuberekwa panguva iyo mwoyo wake wakaremerwa zvakanyanya. Mubatsiri wemabasa etsitsi, chipangamazo uye shasha yekusimudzira vamwe vaimbi, Sulu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×