Chikoro chemitambo yevechidiki chavambwa

Abel Ndooka

CHIKORO chitsva chemitambo yevechidiki chakavambwa kuMabvuku, muHarare, svondo radarika paine chinangwa chekusimudzira vane matarenda mumitambo inosanganisira nhabvu yevanhurume nevanhukadzi uye netball.

Chakatangwa naProphet Tawanda Blessing Bondera, avo vanoti donzvo ravo nderekusimudzira vechidiki vane matarenda mune zvemitambo.

Vachitaura svondo radarika paTashinga Primary School kuMabvuku, apo vaiparura chikoro ichi, Prophet Bondera vanoti vakaona zvakakodzera kuti vasimudzire vechidiki.

Vanoti vechidiki vakashaya zvekuita vanopedzisira vave kutora zvinodhaka, izvo zvinozopedzisira zvakanganisa hupenyu hwavo.

“MuMabvuku makabva vanhu vakawanda vakaita mukurumbira mune zvemitambo, vanosanganisira Marshall Munetsi naBrenna Msiska. Naizvozvo, ndakaona kuti zvakakosha kuvamba academy yedu muno muMabvuku, inozobatsira kuti vana vasimukire mune zvemitambo.

“Kune vana vakawanda vane zvipo zvemitambo yakasiyana-siyana asi nenyaya yekuti vanosiyiwa vakadaro, vanopedzisira vazonyudzwa nezvinodhaka, saka tiri kuda kuti vana vapinde mune zvemitambo, mitambo ivasimudzire.

“Mitambo inobhadhara, nokudaro tine chivimbo chikuru chekuti vana vedu vachasvika kure nekuda kwemitambo iyi,” vanodaro Prophet Bondera.

Vanoenderera mberi vachiti chikoro ichi chichange chakazvimiririra, chisinei nekereke yavo, nokudaro vanhu vanobva kune mamwe machechi vakasununguka kuuya kuzotamba mitambo yavo.

“Ndakatora danho rekuti ndiri kusiyanisa academy iyi nekereke yangu. Academy yakazvimiririra nokuti kunogona kuita vamwe vatambi vanotadza
kuuya nekuda kwenyaya yezvitendero.

“Saka mutambi wese akasununguka kuuya; academy iyi ndaiumbira nyika yese kuti vatambi vanobva kunzvimbo dzakasiyana-siyana vauye kuzotamba vakasununguka,” vanodaro Prophet Bondera.

Zvakadaro, pazuva iri, zvikwata zvenhabvu zvinobva munzvimbo dzakasiyana-siyana zvakatatsurana. Chikwata cheMangwiro chakasimudza mukombe weTB Bondera Sports Gala mushure mekunge chakunda cheCathredal 2-1.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *