MAONERO EDU: Nyaya dzezvibharo ngadzifumurwe

SVONDO rino, tine nyaya inosuwisa uye inovirutsa nehasha yakaitika kwaMurewa, yevamwe sekuru vane makore 42 okuberekwa vakabata chibharo muzukuru wavo ane makore manomwe ekuzvarwa. Unoshaya kuti munhu anenge amharwa nemweya wakaita sei chaizvo kuti aite zvinomhurika kudai.

Semunhu mukuru uye hama, murume uyu aitarisirwa kuchengetedza mwana kubva kune zvakaipa, asi haana kuita sokudaro. Ndiye akatoitira mwana utsinye. Uhwu unhubu chaihwo.

Mwana uyu akasvikirwa ari ega pamba, sekuru ndokukumbira kuperekedzwa kubindu kunotemha muriwo, achibva abvuma. Ikoko ndiko kwaakazoitwa zvisizvo.

Adzoka kumba, musikana haana kuti bufu nyaya yacho. Zvakadaro, chinoyemurika ndechokuti vemunharaunda havana kuramba vakasona miromo maererano nezvakaitika; vakamhanyira kumapurisa kunovanyevera, nyakupara mhosva dzikabva dzamuchenera. Zvadai, matare edzimhosva anenge oita basa rawo kusvikira vane pfungwa dzisina kutwasuka ava varangwa.

Danho rakatorwa nevanhu ava mucherechedzo wakanaka wezvinofanira kuitwa nevoruzhinji mukurwisa dambudziko rakura rekubatwa zvibharo kwevanhukadzi, kusanganisira vana. Maitiro akadai evavakidzani anokurudzirwa kwose kwose muZimbabwe.

Iyi handiyo yoga nyaya yechibharo. Kune dzakawanda dzinoitika. Mumapepanhau, paterevhizhoni neparedhiyo, tinonzwa nezvenyaya dzakadai nguva nenguva.

Kufumura zvakaipa kwakaratidzwa nevavakidzani panyaya yemuzukuru akapinzwa mutsekwende nasekuru vake kunofanira kuonekwa zvakare panoitika chero dzimwe mhosva, kusanganisira umhondi neumbavha.

Mubepanhau rino resvondo rapfuura, taive nenyaya yakaitika muna 2015 mumhuri yechipari chemadzimai maviri papurazi rekwaMutoko.

Zvinonzi mwanakomana wemudzimai mudiki akatanga abata chibharo amaiguru vake, mudzimai mukuru wababa vake, ndokupedzisira avauraya, achivapumha uroyi.

Voukama vakaviga nyaya yacho mushure mekuronga zvekuripana. Zvisinei, chokwadi chakazobuditswa kwapera makore 13 nengozi yaibata pamwana wemumhuri iyi.

Pane vavakidzani vanogona kunge vakanzwa runyerekupe rwenyaya iyi payakaitika chaipo. Vaifanirwa kunge vakamhan’ara kumapurisa, sezvakaitika munyaya yatinayo vhiki rino. Nyakupara mhosva angagdai akasungwa kare kare pane kuti chokwadi chizoburitswe nengozi mushure memakore akawanda.

Nokudaro, kufumura zvakaipa pazvinoitika imwe yenzira dzinokurudzirwa mukurwisa kuparwa kwemhosva. Mapurisa ari oga zvinogona kuanetsa. Mushandirapamwe unodiwa. Regai vakuru vazoti chara chimwe hachitswanyi inda.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×