NEMUSI weSvondo wadarika, mutungamiriri wenyika President Robert Mugabe vakasvitsa makore 92 okuberekwa. Mhemberero dzebhavhadhe ravo dzichaitwa neMugovera uno kuMasvingo.
Panguva iyo mhemberero idzi dzinenge dzichiitwa, zvakakosha kudzamisa pfungwa pamwe nekudzora ndangariro pamusoro pemabasa makuru akaitirwa Zimbabwe naPresident Mugabe kubvira nyika isati yawana kuzvitonga kuzere kusvikira nhasi uno.
President Mugabe mucherechedzo wakanaka unofanira kuyemurwa, zvikuru nevechidiki sezvo vari ivo vatungamiriri vemangwana.
VaMugabe mutungamiri ane gwara uye asina zinyeke-nyeke izvo zvakaita kuti zvionekwe zvakakodzera kuti paumbwe boka re21st February Movement mugore ra1986 nedonzvo rekukurudzira vechidiki kuti vave vanotevera mutsoka dzavo.
Boka iri ndiro rinoronga mhemberero dzebhavhadhe ravo gore roga-roga.
Humhare hwehutungamiriri hwaPresident Mugabe Ahunopupuririrwa nezvakawanda izvo vakaitira nyika yeZimbabwe, kusanganisira kusimudzira dzidzo munyika.
Izvi zvaona Zimbabwe ichive pamusoro pedzimwe nyika dzose muAfrica panyaya yekuva nevanhu vanogona kuverenga nekunyora.
Nhasi uno zvakare veruzhinji vakawana minda kuburikidza nechirongwa chekugariswa kwevanhu patsva.
Hurumende, pasi pehutungamiri hwaPresident Mugabe, iri kushanda siku nesikati kuti vatema vave vene veupfumi hwenyika yavo chinova chimwe chezvikonzero zvikuru chakarwirwa hondo yekusunungura nyika kubva kuhutongi hwemabhunu.
Pamusoro pezvo, mutungamiriri wenyika vanozivikanwa zvikuru pasi rose mukurwira kodzero dzevanhu vatema kuti vazvitonge zvizere.
Vane mukurumbira wekutaura vasingatye, vasingadududze pakumiririra zvido zvevatema uye izvi vakazviratidza panguva iyo vaive sachigaro weSadc neAfrican Union.
President Mugabe vakave sachigaro weSadc kubva Nyamavhuvhu 2014 kusvika Nyamavhuvhu 2015 pamwe chete nekutungamirira nemazvo AU kubva Ndira 2015 kusvika Ndira 2016.
Kana Sadc pamwe neAU zvichivimba naPresident, izvi zvinofanirwa kuve chidadiso kwatiri uye tinofanira kuzvirova matundundu kuti tine mutungamiri ane gwara uye akanyati twasa pazvose.
Sekutaura kwakaita mutungamiriri wenyika yeSouth Africa, President Jacob Zuma, Africa ine zvakawanda zvainofanira kudzidza kubva pahutungamiriri hwaVaMugabe.
President Zuma vanoti panguva iyo President Mugabe vaiva sachigaro weSadc neAU, Africa yaive yakatarisana nematambudziko makukutu asi vakashandisa hunyanzvi hwavo mukuagadzirisa.
Panguva iyi President Mugabe vakashanda nesimba mukugadzirisa mamiriro ezvinhu akange asina kunaka munyaya dzematongerwo enyika munyika dzinosanganisira South Sudan, Somalia, neBurundi.
Tinoti Makorokoto Gushungo!



