
MAZISO mitezo yakakosha zvikuru iyo inofanira kugara yakachengetedzwa. Sangano rinorwira kodzero dzevanhukadzi reWomen’s Action Group (WAG) – kuburikidza nemubhuku rarakatsikisa rinonzi Family Health, Know Your Health – rinoti kune zviratidzo zvechirwere chemaziso zvakawanda uye kazhinji kacho anoonekwa achigara achibuda maranga, misodzi kana mabori.
Pamwe pacho, anogona kuzvimba achirwadza achiita seane majecha nechemukati mawo.
Mamwe acho anongorwadza akatsvuka zvakanyanya.
Munhu anogonawo kuona rima kana kuita sekunge kunze kune makore iko kusina kana kutotadza kuona zvachose zvichienderena nehudzamu hwehurwere.
Mamwe maziso anoita ruvara rweyellow kana kuita karuvara kane ropa pabhora jena reziso.
Maziso anogona kumera bundu nechemukati (cataract glaucoma) kana kuita tsanga pamboni yeziso.
Zvinokonzera:
Kugara panzvimbo dzine hutsi kunokonzera kuti maziso arwadze.
Kushandisa midziyo inotosvora pasina dziviriro.
Kurwadza kwemusoro kwakanyanya kunogona kusvika pakukuvadza tsinga dzemaziso.
Kushandisa mishonga inokuvadza iyo inogona kudaukira mumaziso zvinoita kuti atsve kana kukuvara.
Kutarisa zvinhu inopenya semwenje wemafirimu kana kuti mustudio kwenguva refu.
Dziviriro:
Zvakakosha kukasika kunoona chiremba.
Murwere anofanira kutsanangurira chiremba mviro-mviro yakaita kuti arware nemaziso.
Kune mishonga inosvinirwa mumaziso kuti igeze tsvina dzinenge dzirimo asi pamwe pacho maziso anenge achifanira kuvhiiwa kuti abviswe twumwe twumyama twunenge twuchimera.
Twumwe twunyama twunomera mumaziso twunenge twuchifanira kunovhenekwa nenyanzvi kuti twuonekwe kuti hatwudyidzani here negomarara remaziso.
Kunonoka kurapwa maziso kunogona kuita kuti munhu apedzisire asisaoni zvakanaka kana kutozorasikirwa nemeso zvachose.
Machiremba anogona kuita kuti munhu ange achishandisa magirasi emhando dzakasiyana zvichienderana nehudzamhu hwekukuvara kunenge kwakaita maziso.
Kumwe kurwadza kwemaziso kunogona kudzivirirwa nekudya kunovaka muviri kune Vitamin A neC.




