MUMIRIRIRI weNyanga South mudare reNational Assembly, Cde Supa Mandiwanzira, avo vanozve gurukota rezvemichina yekufambiswa kwemashoko neposvo, nguva pfupi yadarika vakapa mota mbiri dzichashandiswa semaamburenzi kuchipatara cheNyanga District Hospital.
“Takapa rubatsiro rwemaamburenzi maviri pachipatara ichi mushure mekuona kuti varwere vange vachiomerwa nekushaya chinovatakura, zvikuru apo vanorwara vari kudzimba dziri kure nezvipatara. Pamusoro peizvi, maamburenzi aya achabatsira mukutakura varwere vanenge vachida kuendeswa kuzvimwe zvipatara zvikuru seMutare General Hospital neParirenyatwa Group of Hospitals, kuHarare,” vanodaro.
Vanoti vakabatsira zvakare chipatara ichi nemametiresi evarwere, mishonga pamwe nemawiricheya.
“Takaona kuti Nyanga ine nzvimbo dzinoyevedza dzakawanda idzo dzinokwezva vashanyi zvichiunza mari munyika. Asika, kurwara kunogona kungouya pane ipi zvayo nguva nokudaro maamburenzi aya achabatsira vashanyi ivava zvichiita kuti varambe vaine chivimbo chekushanyira nzvimbo iyi.
“Chinhu chinorwadza kuti munhu orwara ari kuimwe nzvimbo asi oshaya rubatsiro rwekurapwa rwechimbi-chimbi nekuda kwekuti kunenge kusina amburenzi,” vanodaro Cde Mandiwanzira.Maamburenzi aya, vanodaro Cde Mandiwanzira, achabatsirawo madzimai akazvitakura kuti vange vachikwanisa kunosunungukira kuzvipatara.
“Takaona kuti madzimai akazvitakura mazhinji ange achinetseka kuwana amburenzi inovaendesa kuzvipatara saka kuuya kwemaamburenzi aya kuchaderedza ndufu dzemadzimai nevana. Zvakare chirongwa cheHurumende cheZim-Asset chinobata nyaya dzekuwaniswa kweutano kune veruzhinji.” Cde Mandiwanzira vanoti vakaendesa chikwata chemadhokotera akabva kunyika yeIndia icho chakaita svondo chichibatsira vanhu vemudunhu ravo munyaya dzeutano pachena.
“Vanhu vakawanda vakatambira chirongwa ichi vakakwanisa kuvhenekwa zvirwere zvakasiyana seutachiona hweHIV, itsvo nezvimwe. Vamwe vakavhiiwa vamwewo vakatumirwa kune zvimwe zvipatara zvavanofanira kuwaniswa rubatsiro.
“Chirongwa ichi chakaunza utano kuvanhu vekumaruwa vakawanda avo vanowanzokundikana kuenda kuzvipatara nemakirinika nekuda kwekushaya mari kana kuve kure navo,” vanodaro.
Cde Mandiwanzira vanoti vakabatsira zvakare vamwe vatendi veJohanne Marange Apostolic Sect nesimende yekuvaka zvimbuzi.
“Vazhinji vavo vari kunamatira panzvimbo dzisina zvimbuzi nokudaro takaona kuti vanhu vekereke iyi vanove vakawanda mudunhu iri, vanofanira kuwaniswa zvimbuzi pane kuti vashandise masango sezvimbuzi nekuti zvinobatsira mukuparadzira zvirwere zvemanyoka.”



