Chengetedzai zvirimwa kubva kuchando: ZFU

Kingstone Mapupu

SANGANO reZimbabwe Farmers Union (ZFU) riri kukurudzira varimi vemumapindu nevezvimwe zvirimwa zvemwaka wekutonhora kuti vazvichengetedze kubva mukurohwa nechando senzira yekuti vasarasikirwe.

Kurudziro iyi yakapihwa naVaPaul Zakariya, vanove executive director uye head of secretariat kuZFU, vachiti chando chinodzosera kumashure goho rezvirimwa zvemwaka uyu.

Vanoti nguva ino ndeyekurimwa kwemiriwo yemhando yakasiyana-siyana, madomasi, derere nebhinzi, izvo zvine mikana mikuru yekurohwa nechando.

“Inyaya inorwadza kuti murimi anotora nguva yakareba achirima zvirimwa zvake, zvoguma zvarohwa nechando, izvo zvinoita kuti arasikirwe. Saka, ikurudziro yedu kuti nguva ino yechando varimi vanokwanisa vagadzire magreenhouse akavharika kwese kuti chando chisapinde mukati mezvirimwa,” vanodaro VaZakariya.

Vanoti zvirimwa zvakaita semadomasi, bhinzi, pizi, muriwo nederere zvikarohwa nechando zvinokanganisika zvakanyanya mukubereka kwazvo, izvo zvinoita kuti goho ridzikire.

“Kurima kunosiyana; kune vanorima minda midiki nemikuru. Vose ava vanofanirwa kudzivirira zvirimwa zvavo kubva kuchando. Tine magreenhouse anobatsira zvikuru kuti chando chisasvike pazvirimwa.

“Kugadzira mipanda chaiyo yeuswa ichitenderedza mapindu edu zvinobatsira zvakare. Kune vamwewo vanodyara maruva kana zvirimwa mumagaba, izvo zvinotakurwa zvoiswa mudzimba kana mumagaraji nemunzvimbo dzakavandika musingasvike chando,” vanodaro VaZakariya.

Vanoti magreenhouse, kunze kwekuyamura pakuti chando chisapinde, anobatsirawo kudzivirira zvirwere zvakasiyana-siyana nekuita kuti zvirimwa zvikure pasina matambudziko akawanda.

Imwe nzira yekudzivirira nayo zvirimwa kuti zvisarohwe nechando kuzvidiridza mangwanani nemasikati, mvura yosvika kumidzi, ivhu ronyorova zvakakwanirana, chando chisati chadzika usiku.

“Kudiridza zvirimwa zvedu zuva rodoka kunogona kushevedza chando chakawanda, saka ngatidiridzei mangwanani nemasikati, mvura yonyorovesa ivhu rose, yodzika kumidzi zvizere. Izvi zvinobatsira zvirimwa zvedu,” vanodaro VaZakariya.

“Tine zvimwe zvirimwa zvinomboshingirira mukurohwa nechando asi zvakaita semadomasi, dzimwe mhando dzemiriwo, bhinzi, mbatatisi, corn, mavise, derere, manhanga emhando yemasquash nembambaira zvinokurumidza kurohwa nechando.”

Vanoti varimi vanokwanisawo kudzivirira zvirimwa kubva kuchando nekuisa uswa mukati mazvo.

“Gore negore tinorasikirwa nezvirimwa zvedu nekuda kwekurohwa nechando, saka ikurudziro yedu kuvarimi kuti vashande nevarimisi vematunhu avo, vachipihwa mazano ekurwisana nekurohwa kwezvirimwa nechando.

“Mwedzi watiri waChikumi kusvika muna Nyamavhuvhu, chando chinenge chichirova uye dzimwe nguva zvekuchena chaizvo,” vanodaro VaZakariya.

Vanoti michero inodawo zvakare kudzivirirwa kubva kuchando kuburikidza nekuvakira neuswa kana kuputira
nemapurasitiki kuti chando chisasvike.

“Muriwo kana madomasi nezvimwe zvinoita maruva zvikarohwa nechando maruva anobva afa, kureva kuti goho rinodzikira zvikuru. Zvakakoshawo kuti varimi vadzivirire zvirimwa zvavo kubva kutumbuyu,” vanodaro VaZakariya.

Related Posts

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×