Mapurisa 78 akakuvadzwa

Tendai Mugabe
MAPURISA 78 akakuvadzwa mumwe chete ndokuuraiwa apo vaive pabasa panguva yakaratidzirwa zvine mhirizhonga mumwedzi waNdira gore rino uko kwakarongwa nebato rinopikisa reMDC-Alliance neZimbabwe Congress of Trade Unions (ZCTU) vakabatana nemamwe masangano, gwaro rakaburitswa neHurumende pamusoro penyaya iyi rinodaro.

Mapurisa anonzi akakuvadzwa zvine udzamu hwakasiyana apo vakarwiswa nenhubu mumhirizhonga iyi apo dzimwe dzacho dzakapinda mumakamba ndokuvarwisa.

Akafa mumhirizhonga iyi ndiConstable Alexio Maune (32) wekuEntumbane, kuBulawayo.

Nemusi weChitatu svondo rapera, Hurumende yakatsutsumwa zvikuru nekurwiswa kwevanochengetedza mutemo ichiti kune dzimwe nyika kuita kwakadai kunoita kuti anenge abatwa nemhosva arangwe zvakaomarara.

Munyori mukuru mubazi rekuburitswa kwemashoko nenhepfenyuro, VaNick Mangwana, vanoti hakunai vanhu vangade kugara munharaunda inorwiswa mupurisa kusvikira pakufa uye nekuzama kuuraya mamwe mapurisa 78.

“Ava varume nemadzimai vane huchenjeri vakasiya mhuri dzavo kuitira kuti vatichengetedze,” vanodaro.

Ongororo yakadzama yakaitwa inoratidza kuti vanhu vairatidzira kuburikidza nemhirizhonga vainyanyoshandisa matombo mukutema mapurisa.

MuHarare ndimo mune mapurisa akawanda akakuvadzwa mumhirizhonga iyi avo vanosvika 56 uye inoteverwa neBulawayo uko kwakakuvadzwa 16.

KuManicaland nekuMashonaland East kwakakuvadzwa mapurisa matatu mudunhu rimwe nerimwe zvinoita kuti huwandu hwevakakuvadzwa husvike pa78.

VaNick Mangwana

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *