Mapurisa emumigwagwa owanda muCBD . . . vanotyora mitemo hokoyoyi!

Munyori weKwayedza

HUWANDU hwemapurisa anoshandira mumigwagwa hunotarisirwa kuwedzerwa zvichitevera danho rakatorwa neZimbabwe Republic Police rekutenga midhudhudhu gumi iyo ichashandiswa mukati meguta reHarare (Central Business District) nedzimwe nzvimbo dzakapoteredza nechinangwa chekuchengetedza mutemo.

Midhudhudhu iyi ichashandiswa mukuona kuti vose vanopara mhosva mumigwagwa varangwa zvakaringana.

Danho iri riri kutorwa panguva iyo vatyairi vemakombi nevemushikashika vari kuita madiro vasingatevedze uye kukoshesa mitemo yekufamba pamugwagwa.

Vazhinji vavo vanoisa hupenyu hwevamwe vatyairi nevanhu vanofamba netsoka panjodzi nekuda kwekutyaira kwavo uko kusina hanya.

Mutauriri wemapurisa munyika, Commissioner Paul Nyathi, vanokurudzira vatyairi vedzimotokari kuti vatevedzere mitemo yepamugwagwa.

“ZRP yasimbaradza mabasa ekuchengetedzwa kwemutemo pamugwagwa muHarare CBD kuburikidza nekuwaniswa kwayakaitwa midhudhudhu gumi yechizvino-zvino naCommissioner-General Stephen Mutamba.

“Midhudhudhu iyi ichabatsira mapurisa kugadzirisa nyonga-nyonga mumigwagwa, kutyorwa kwemutemo uye kusazvibata kwevatyairi muCBD nemumigwagwa yese inopinda muHarare.

“Zvizvarwa zveZimbabwe zvinokurudzirwa kuti zvimhan’arire vatyairi vedzimotokari vanenge vatyora mutemo, vangave vanoshanda muHurumende kana makambani akazvimirira, vanotyaira zvine njodzi, kuti mutemo utore gwara rawo,” vanodaro.

MunaChikumi gore rino, mapurisa akatanga chirongwa chakanangana nekutsvaga vatyairi vedzimotokari vanosvika 20 000 muHarare neBulawayo avo vakatyora mitemo inosanganisira kupinda pamarobhotsi akatsvuka uye vakaonekwa pamichina yechizvino-zvino yakaiswa mune mimwe migwagwa iyo inoongorora zvinenge zvichitora nzvimbo.

Mapurisa akazoshambadza mazita evamwe vatyairi vemotokari dzakabatwa dzichityora mitemo idzi.

Nguva pfupi yadarika, mapurisa akaburitsawo pachena nezvevatyairi  vangangosvika 300 vakapara mhosva, uye vatyairi vedzimotokari 95 vakatevedzera mutemo nekubhadhara faindi dzavo.

Comm Nyathi vanotsinhira kuti vatyairi vanosvika 20 000 vakaonekwa pamichina yechizvino-zvino vachityora mitemo yekufamba pamugwagwa.

Vanoti vari kushushikana nenyaya yekuti vatyairi vedzimotokari vanosvika 95 chete ndivo vakabuda pachena kuti vabhadhare faindi dzemhosva dzavo.

Vatyairi vedzimotokari vane mazita akaburitswa pagwaro remapurisa vanokurudzirwa kuti vaende kukamba iri pedyo navo uye vashande pamwe chete nemapurisa mukuferefetwa kwemhosva dzavo.

Chirongwa ichi chikamu chekuvandudza mafambiro akanaka uye akachengetedzeka pamugwagwa kuburikidza nekuona kuti mitemo yatevedzerwa.

Hurumende yakabatana nekambani yeVitronic Machine Vision Middle East, inova yekunyika yeDubai, kuti itungamire chirongwa ichi.

Izvi zvinoratidza danho rakakosha mukusimudzira kuchengetedzeka pamugwagwa uye kutevedzwa kwemitemo muZimbabwe panguva iyo tsaona dziri kuuraya vanhu dziri kuwanda.

 

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×