Mashura mudare ramambo . . . mudzimai dzvii sikarudzi yababamukuru

Tendai Gukutikwa

MUNYAYA inoita sefirimu, iyo yakaitika mudare raMambo  Mutasa kwaMutasa kudunhu reManicaland nemusi weMugovera wadarika,  Agnes Mutize — mudzimai akaroorwa uyo ari kupomerwa mhosva yekusavimbika muwanano — akadhonza  sikarudzi yebabamukuru wake mudare rakazara vanhu.

Mudzimai uyu akaratidza ushingi akataura kuti ivo babamukuru vake ava (mukoma wemurume wake), avo vainge vachimupomera mhosva yekusavimbika, ndivo vaidanana naye kwete chikomba chaainzi anodanana nacho.

Nyaya iyi yakatanga apo murume waAgnes, Kelvin Mutize, akamumhan’arira kudare iri achiti ainge amubata achishinha nechikomba  chinonzi Christopher Makoni.

Zvisinei, Agnes akasandura nyaya, ndokuerekana odhonza sikarudzi yemukoma wemurume wake, uyo asina kudonwa zita rake mudare, achiti ndiye chikomba chake kwemakore mashanu apfuura, kwete Makoni.

Mukoma wemurume wake anonzi ndiye akabatsira Kelvin kufumura mhosva yaipomerwa Agnes.

“Murume wangu paakandiramba, takadanana, takawirirana (nababamukuru). Anotoziva  chimiro chemuviri wangu kuti chakaita sei kana ndisina kusimira. Kana  iyewo ndinotoziva muviri wake wese zvekuti ndinokwanisa kutopa rondodzero mudare muno. Takagara tese kwemakore mana akandiudza kuti munin’ina wake hachadzoki kwandiri,” anodaro Agnes.

Anoenderera mberi achipupura mudare achiti: “Ndakatozorega kuonana naye  pandakaona kuti aindidya mari, chaaida ibonde chete. Kana ari kuzviramba ngaatsvake muporofita anouya amuchenure pamberi pedare rino.”

Agnes akabva ambundira muramu wake uyu ndokumudhonza sikarudzi apo makurukota emudare raMambo Mutasa akazama kumutakanura zvikakona n’anga murapwa achida.

Agnes anoti munaKubvumbi, ndipo paakatanga kudana naMakoni asi  babamukuru vake ndivo vakamufundisa kuti ange achitadza kuvimbika muwanano kwemakore mashanu apo vaipanana rudo nerweseri.

Zvisinei, Kelvin akaudza dare kuti akanga ajaira zvemashoko emahumbwe aAgnes uye haana kumboda kugamuchira nyaya yaaitaura yekuti aidanana nemukoma wake.

“Anoti akashinha nehama dzangu dzose senzira yekuvanyararidza uye kuti vasawirirana neni. Mudzimai wangu ndinomuziva kuti ane zvivindi zvekuita madhirama asina basa pamberi pevanhu,” anodaro.

Mukoma waKelvin, zvisinei, akasairira Agnes kure uye akaseka zvikuru achiratidza kukahadziswa nenyaya yaakanga ari kupomerwa yekuti anodanana naye.

Kelvin anoti nyaya iyi yakatanga munaNyamavhuvhu gore rino apo pakabuda runyerekupe rwekuti mudzimai wake ari kudanana naMakoni.

“Musi wa4 Gunyana, ndakafonerwa nemukoma wangu ari kuHonde Valley achindibvunza kuti ndakanga ndazvinzwa here kuti mudzimai wangu ari kuita gumbo mumba gumbo panze. Ndinoshanda uye ndinogara kwaMutare, mhuri yangu nemudzimai vanogara kuHonde Valley.

“Papera mazuva mashoma, mwana wangu ane makore 16 okuberekwa akandifonera achiti pane murume akanga anditsiva pamba apa uyo aitogezawo nemukadzi wangu, mwoyo wangu wakarwadziwa,”  anodaro Kelvin.

Anoti akabatana nemukoma wake ndokuronga zano rekuti vabatikidze mudzimai wake nechikomba ichi.

“Vanhu vemunharaunda vaitaura nezvazvo — kunyangwe vana vanozviziva vakazotiudza kuti (musi uyu) vaviri ava vainge vapedza kugeza vese uye vaive patuckshop yaMakoni.

“Takaendako tikanogogodza tikakumbira kutenga doro, pandakataura zita rangu vakabva vadzima mwenje ndokuedza kutiza,” anodaro Kelvin.

“Ndichisvika kumba, mudzimai wangu akandipopotera achiti Makoni haasiye ega chikomba chake uye akati pavana vedu hapana kana  mumwechete  wangu nekuti ndine mbeu yababa shoma uye sikarudzi yangu haishande zvakanaka, akaendawo kwamambo ndokunyepa kuti takamurova,” anodaro Kelvin achiratidza kushushikana zvakanyanya.

Anoti Agnes akapisawo hembe dzemwanakomana wavo ane makore 16 okuberekwa ndokumutyisidzira achiti achamuisira muchetura nekuda kwekufumura kwaakaita nyaya iyi.

“Akamuudza kuti aizofa nokufumura kwaaive aita chakavanzika ichi. Chandaida rwaiva rugare mumba mangu,” anodaro achisvimha misodzi.

Kelvin akaudzawo dare kuti mudzimai wake ane mwana ane makore mana okuberekwa uyo akabata pamuviri pacho apo akange asipo ari kubasa kwaMutare kwemakore anodarika mashanu.

Zvisinei, Makoni akaramba mhosva yaaipomerwa iyi yekudanana naAgnes.

“Ini handina kumbogara naye mutuckshop imomo, pamwe akanga aine mumwe munhu, handina kumbogeza naye kana kudanana naye,” anodaro Makoni.

Agnes akaudzawo dare kuti murume wake akange asina hanya nekumuriritira pamwechete nemhuri nekudaro aiwana chouviri nekushandira Makoni.

“Ndinoshanda mutuckshop yaMakoni, asi musi uyu ndaive ndega. Murume wangu akandisiya makore adarika, kubva 2020 haana kuzombodzokera kumusha, ndinongoda kugara murunyararo. Ane gwaro redziviriro raakanditorera, kubva 2015  tainge tisingachadanane taparadzana,” anodaro.

Mwanakomana wake ane makore 16  ekuzvarwa akapawo umbowo mudare iri misodzi ichiyerera pamatama.

“Ndakaona zvese, vaigeza pamwechete uye vachirara mukamuri yemba imwechete pamba pababa vangu isu tiripo, zvakandityisa nekuvhiringidza pfungwa dzangu. Pandakaudza baba vangu, amai vakandipisira hembe vachiti vaizondiuraya, ndinongoda kuti pave nerunyararo uye vabereki vangu voregedza kurwisana,” anodaro.

Mushure mekunzwa umbowo hwese, Mambo Mutasa vakati zvisinei kuti Makoni airamba nyaya iyi aive nemhosva nekudaro vakamupa mutongo wekuti aripe Kelvin nemombe nhatu nekuda kwekushinha kwaakaita nemukadzi wake.

Mambo Mutasa vakayambira Agnes naKelvin kuti vasaita hunhubu uye varemekedze mhiko dzewanano.

“Zvizvarwa zvemakore ano hazvisisina ruremekedzo zvachose pamusoro pekukosha kwewanano,” vanodaro Mambo Mutasa.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×