Masungiro: Itsika yagara iriko…‘Ndipo panopihwa mukadzi mishonga’ ‘. . . nekudzidziswawo kurera kacheche’

Ndove yenzou
Ndove yenzou

KUBVIRA kare, mudzimai aiti kana aroorwa uye akaita pamuviri pekutanga, kana pave kuda kunosunungukwa aimboendeswa kuvabereki vake kuti anosunungukira ikoko.

Pasi petsika inozivikanwa nekuti masungiro iyi, mudzimai anofanirwa kunobatsirwa mwana wekutanga ari kuvabereki vake.

Pakudzokera kuvabereki apa, mudzimai anenge aine pamuviri anoperekedzwa nemadzitete kana madzimbuya vekumurume wake vaine mbudzi, huku, hupfu nemari izvo zvinonoitwa chirango pakusungirwa apa.

Mazuva ano tsika iyi ichiri kutevedzwa here?

Kwayedza yakaita ongororo pamusoro petsika yemasungiro ndokunzwa zvakawanda.

VaJosum Makokotela vekuBudiriro 5B, muHarare, avo vanove murapi wechivanhu, vanoti masungiro akakosha zvikuru sezvo achibatsira kuti mudzimai asununguke pamuviri pekutanga mune zvakanaka.

“Nhumbu yekutanga ndiyo inosungirwa apo murume anoendesa mbudzi nemari kuvabereki vemukadzi. Mudzimai anonoperekwa nemadzitete kumusha kwake kuti anosunungukira ikoko nekuti mimba dzekutanga dzinowanza kuita matambudziko. Panogona kuita chivanhu kana kuti mhepo dzisingadi kuona chakanaka, saka vekwake vanodzireverera kuti mwana asununguke zvakanaka,” vanodaro.

Vanoti kuburikidza nemasungiro, mudzimai anowanawo nguva yekupora zvakanaka ari kumba kwevabereki vake asati adzokera kumurume.

“Mushure mekusununguka, mudzimai anogona kuita chipo chemwedzi miviri achibatsirwa mabasa ekuchengeta mwana nehama dzake. Kuyamwisa mwana kunenge kuri kutsva kwaari nekudaro zvose izvozvo zvinoda dzidziso.

“Kana ave mwana wepiri, hapachada kuti mukadzi asungirwe nekuti mudzimai anenge ave kuzivawo zvimwe,” vanodaro.

VaFriday Chisanyu, vanove nyanzvi munyaya dzechivanhu zvakare vari mukuru wesangano reZimbabwe National Practitioners Association, vanotiwo masungiro akakosha.

“Masungiro anofanira kuitwa, inyaya yekushaya mari bedzi inoita kuti vamwe vanhu vasaite tsika dzakakosha idzi. Masungiro anobatsira kuti vabereki vasarwadziwe nemusana.

“Kana mwana achinge asungirwa pane jira rinoiswa pamusuwo rinenge richifanira kucharikwa nevabereki vanyakusungirwa, iro ravanozomusunga naro muchiuno. Izvi zvinoita kuti vasarwadziwe nemusana,” vanodaro.

Vanoti vabereki vazhinji mazuva ano vari kupera kurwadziwa nemusana nekuda kwekuti tsika iyi haichatevedzwa nevamwe.

“Mazuva ano vanhu vashoma vachiri kutevedza masungiro nepamusaka pekupindana kuri kuita tsika dzemarudzi uye nyaya dzezvitendero. Vamwe vava kuti vanonamata nokudaro havaite zvemasungiro. Asika, tiri vanhu vatema uye hatifanire kusiya tsika dzedu,” vanodaro VaChisanyu.

Zvisinei, vanoti kune vamwe vabereki vanoda kuti vana vavo vasungirwe pose pavanoita pamuviri.

“Pane mbudzi nemari zvinobviswa saka vamwe vabereki, nehudyire, vanoda kuti mukuwasha asungire pose panoita mukadzi wake pamuviri. Pachivanhu mudzimai anosungirwa kamwe chete, kana akamboroorwa kumwe akaita vana zvinoreva kuti haachasungirwa.”

Imwe nyanzvi yezvechivanhu, Mbuya Martha Reid vekuChitungwiza vanoti masungiro akakosha nekuti ndiyo nguva iyo mwanasikana anopihwa mishonga yekuvhura masuwo kuti agosununguka zvakanaka.

“Hakuna mumwe munhu anokwanisa kupa mishonga yemasuwo kumutorwa saka kana mwanasikana achinge asungirwa amai vake vanomupa mishonga iyi. Vanasikana vazhinji vari kupera kuvhiiwa nekuda kwekuti vanenge vasina kupihwa mishonga yemasuwo, pamwe vanenge vakamitiswa, kushaya mari yemasungiro kana ruzivo rwetsika iyi,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naMai Beauty Charenga (35) vekuTshovani Township, kuChiredzi, vachiti masungiro akakosha zvisinei nekuti vanhu vave vashoma vari kutevedza tsika iyi.

“Kusungirwa kwemwanasikana kwakakosha nekuti kunobatanidza hukama pakati pemurume nehama dzemudzimai,” vanodaro.

Vanoti kana mudzimai akasungirwa, anowana vekwake vanomubatsira mabasa ekurera mwana uyewo achipora.

“Mushure memwedzi mudzimai anenge asungirwa anokwanisa kuperekedzwa navanatete kana vakoma kumurume wake nekuti anenge asimba, ave kugona kunoita mabasa. Asi, mamwe madzimai haachadi zvekusungirwa nekuti vanotya kuti pavanenge vasipo, varume vavo vanogona kutora vamwe vakadzi,” vanodaro.

Mai Vongai Masendeke (43) vekuChiredzi zvakare vanoti mudzimai anofanira kusungirwa kana nhumbu yake yave pedyo kunozvarwa. “Nhumbu inosungirwa kana yave kusvika kumwedzi ingaite mitanhatu kana minomwe nekuti panguva iyi anenge ave pedyo nekusununguka. Masungiro anoita kuti mudzimai awane vabatsiri pakuchengeta mwana uye kugadzirwa masuwo kuti asaite matambudziko sekuvhiiwa,” vanodaro.

Mai Erinera Gijima (31) vemuHarare vanoti nyaya dzekusaroora ndidzo dzimwe dziri kutadzisa kusungirwa kwemadzimai.

“Vamwe vari kukundikana kusungira nekuti vanenge vasina kuroora. Hazvikwanisike kuti murume angoperekedza mudzimai kuvabereki vake kuti anobatsirwa kana asina kuroora, anonorohwa,” vanodaro.

Mimwe yemishonga yemasuwo inosanganisira kunwa mvura ine ndove yenzou, iyo inonzi inoita kuti mukadzi asununguke pasina dambudziko.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×