GURUKOTA redzidzo yepuraimairi nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti Hurumende iri mushishi kuvaka zvikoro zvitsva zvichitevera kuwandisa kwevadzidzi kune zvimwe zvikoro izvo zvave kuona vamwe vachidzidza mangwanani vamwe masikati.
Vachitaura mudare reSenate svondo rapera apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weMashonaland Central, Senator Monica Mavhunga, Dr Dokora vanoti huwandu hwevadzidzi hunotarisirwa mukirasi hunosiyana zvichienderana nemagwaro acho sezvo epasi achifanirwa kunge aine vashoma pane epamusoro.
Sen Mavhunga vaida kuziva mutemo weHurumende maererano nehuwandu hwevana vanofanirwa kunge vachidzidziswa nemurairidzi pamwe nematanho ari kutorwa kuitira kuti vamwe vana vasadzidze mangwanani, vamwe masikati nekuda kwekushomeka kwedzimba dzekufundira muzvimwe zvikoro.
Dr Dokora vanoti Hurumende iri kushingaira kuvaka zvimwe zvikoro kuitira kuti zvikwanirane nehuwandu hwevadzidzi.
“Sebazi, tinokumbira kuti tibatane nemakambani nemamwe mapoka mukuvakwa kwezvikoro,” vanodaro.
Vanoti Hurumende iri kutsvagawo zvikwereti kubva kunyika dzainodyidzana nadzo zvekuvakisa zvikoro.
“Tine mari yechikwereti yatakatsvaga tikapihwa nemaArab. Takakwanisa kuwana $20 miriyoni uye pari zvino tiri kugadzirisa magwaro acho kuitira kuti basa rekuvaka richitanga. Tine dzimwe nyika zvakare dzakaita seChina dziri kutibatsira. Tino hurongwa hwekuvaka zvikoro zvitanhatu pari zvino.
“Ndinovimba kuti munoziva kuti chimwe chacho chiri kuHatcliffe uye chimwe kuLupane. Tinovimba kuvhura zvikoro izvi munguva pfupi iri kutevera,” vanodaro Dr Dokora.
Vanoti huwandu hwevadzidzi mukirasi hunoenderana nemagwaro acho.
“Tine zvidanho zvitatu zvedzidzo kana takatarisa kupuraimari nesekondari. Danho rekutanga ndere ECD kusvika Grade 2. Pasi peboka iri, murairidzi mumwe chete anofanira kufundisa vadzidzi 25. Danho rechipiri ndere Grade 3 kusvika 7 apo tinotarisira kuti ticha adzidzise vana vanosvika 40. Danho rekupedzisira ndere kusekondari iro murairidzi anotarisirwa kufundisa vana 35 asi paA-Level anodzidzisa vadzidzi 25,” vanodaro.
Dr Dokora vanoti kune zvimwe zvidzidzo zvemabasa emawoko zvakaita sekuveza (woodwork) izvo murairidzi anogona kufundisa vana 75.
“Zvatiri kureva ndezvekuti murairidzi anokwanisa kuve nechidzidzo chakaita sewoodwork, semuenzaniso. Anogona kuve nevadzidzi 25 vanenge vachiita mabasa emawoko, ozotora vamwe 25 zvakare. Saka zvatiri kutarisira ndezvekuti murairidzi akadai anofanira kuve nevadzidzi vanosvika 75 kuti ave anogamuchirika pasi pemutemo webasa wePublic Service.”
Vanoti kune vamwe vadzidzi vakaremara mitezo avo huwandu hwavo mukirasi hunosiyana zvichienderana nehurema hwacho.




