Matanga mukuru wezrp

Munyori weKwayedza
PRESIDENT Emmerson Mnangagwa svondo rino vakagadza Deputy Commissioner-General Tandabantu Godwin Matanga semukuru wemapurisa, Commissioner-General weZimbabwe Republic Police (ZRP).

Izvi zvakaziviswa nasachigaro wePublic Service Commission, Dr Mariyawanda Nzuwah. Dr Nzuwah vanoti President Mnangagwa vatora danho iri maringe nemutemo unoona nezvekugadzwa kwevakuru vemapurisa webumbiro remutemo weZimbabwe.

Comm-Gen Matanga vakaberekwa musi wa5 Kukadzi 1962 kuChipinge.

Mugore ra1978, apo vaive nemakore 16 okuberekwa, Comm-Gen Matanga vakabuda muZimbabwe (ichanzi Rhodesia) ndokuenda kuMozambique uko vakanobatana nevamwe vairwa muhondo yekusunungura Zimbabwe kubva kuhutongi hwevadzvanyiriri hwemabhunu. Vakanodzidzira zvehondo kuRomania nekuEgypt muna 1979.

Pavakadzoka kuMozambique apo nyika yakange yawana kuzvitonga kuzere, Comm-Gen Matanga vakapinda muchipurisa vari patrol officer muna Gumiguru 1982.

Vakaramba vachikwidziridzwa kusvika vave Deputy Comm-Gen mugore ra1992, chinova chigaro chavange vanacho kusvika pari zvino apo vazosimudzirwa kuve Comm-Gen.

Comm-Gen Matanga vane magwaro edzidzo anosanganisira Active Field Artillery, Management neFinancial Management.

Vange vakabata chigaro chemukuru wemapurisa kubvira muna Zvita wegore rapera zvichitevera kuenda pamudyandigere kwevaive mukuru weZRP, Retired Commissioner-General Dr Augustine Chihuri.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×