‘Tabatikana nekupondwa kwevana’

Kingstone Mapupu

SANGANO rinobatsira vana vanobva kumhuri dzinoshaya nekuvatsigira mudzidzo yavo, reCreating Better Futures (CBF), rinoti riri kushushikana zvikuru nekupondwa kuri kuitwa vana munyika muno.

Izvi zvinotevera kupondwa kwakaitwa vana vemumhuri imwe chete vekuNyanga avo vaive nemakore manonwe ekuberekwa vose vachibva kuchikoro svondo rapera.

Mai Beverley Matondo, avo vanova muvambi wesangano reCBF vanoti upenyu hwevana hwakakosha sezvo vari ivo vatungamiriri vemangwana.
“Ishungu dzedu kuti vana ava vakure vaine ruzivo, zvino tave kushamiswa kuona kuti vamwe vanotoronga kuuraya vana ava vatinoda kuti vazove vatungamiri vamangwana. Zvinorwadza kudamburira upenyu hwavo,” vanodaro Mai Matondo.

Vanopa muenzaniso wenyaya yemwanakomana wekwaMambo Mangwende, kwaMurehwa – Tapiwa Makore Jnr (7) – uyo akapondwa gore rapera uye mutumbi wake ukazovigwa gore rino usina nhengo dzemuviri dzinosanganisira musoro.

“Tine nyaya yaTapiwa Makore uyo akapondwa, musoro wake ukadamburwa nedzimwe nhengo. Tinotenda mapurisa edu, nyaya idzi dzichiri kuferefetwa.

“Zvino nhasi tava nenyaya yevana vaviri vekuNyanga vanonzi vakapondwa nevanhu vehukama zvakare apo vaibva kuchikoro. Isu sesangano rinobatsira vana vari kuenda kuzvikoro tinorwadziwa zvikuru,” vanodaro Mai Matondo.

Dilan naMelissa Benza, avo vaiita Grade 1 paMbaza Primary School kuNyanga, vakapondwa vachibva kuchikoro svondo rakapera.
Mitumbi yevana vaviri ava yakazowanikwa yakakandwa muchimbuzi chisisashandiswe.

“Tine mumwezve mwana musikana wekuMwenezi wemakore matanhatu anonzi akapondwa nehama, ndokubviswa dzimwe nhengo dzemuviri wake nechinangwa chekuda kunodzitengesa kunyika yeSouth Africa senzira yekuchekeresa,” vanodaro.

Mai Matondo vanokurudzira vabereki nedzimwe hama dzinogara nevana kuti vaone kuti vakachengetedza.

“Ngationei kuti vana vedu vaperekedzwa kuchikoro nekunotorwako nekuti mhandu yemunhu yava munhu kudarika zvikara zvesango,” vanodaro.
Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi vanotiwo: “Tinokumbira kuti veruzhinji vamhan’are nyaya dzose dzine chekuita nekushungurudzwa kwevana nekutibatsirawo panyaya dzehumhondi kuitira kuti vapari vemhosva vasungwe.”

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×