Kingstone Mapupu
MURUME wekwaMambo Wasi kuMadabe, kuPlumtree – Tafirei Ndlovu (38) – akatongerwa kugara mujeri kwehupenyu hwose mushure mekubatwa nemhosva yekupisira vana vake vaviri mumba apo akanetsana nemudzimai wake pamusoro pekuvachengeta.
Detective Inspector Rachel Muteweri vanova mutauriri wechikamu chemapurisa ematikitivha eCriminal Investigations Department (CID) vanoti musungwa uyu akapisira vana vake vaviri mumba vachibva vafa nemusi wa5 Kubvumbi mugore ra2022 kuPlumtree.
Nyaya yehumhondi iyi yakaitika kudunhu raMambo Wasi kuMadabe apo Ndlovu naKudzani Muthukutu, uyo asati abatwa, vakatanga kunetsana nekuda kwekuchengeta vana vavo vaviri.
Vaviri ava vakasvika pakukiira vana ava mumba nekunze ndokubva vatungidza imba iyi vachibva vatsvira mukati vese.
Nekuda kwenyaya iyi, Ndlovu akabva asungwa ndokuendeswa kumatare uko akawanikwa aine mhosva yekuuraya vana.
Akapihwa chirango chekugara mujeri kweupenyu hwese pamhosva yoga-yoga dziri mbiri.
Ndlovu akamiswa pamberi pemutongi Justice Ngonidzashe Nduna veBulawayo High Court nemusi wa7 Chikunguru gore rino.
Mune imwewo nyaya, Ngonidzashe Mvura (34) wepaPlot 6/10 Government Farm kuKadoma akapinda mudare akawanikwa aine mhosva yekuponda ndokupihwa chirango chekugara mujeri kwemakore makumi maviri nemashanu.
Mvura akaponda munhu nemusi wa21 Chikunguru mugore ra2024 mushure mekunge vatadza kuwirirana.
Akabaya nebanga munhu waakanetsana naye zvakazokonzera kuti afe.
Nyaya iyi yakapinda mudare nemusi wa2 Chikunguru gore rino uye mutongi vaiva Justice Chidzenga wekuChinhoyi High Court.
“Semapurisa, tinoramba tichikurudzira veruzhinji kuti vatsvage nzira dzekugadzirisana kana vatadza kunzwisisana pane kusvika pakurwisana nekupondana,” vanodaro Det Insp Muteweri.



