Mhando dzembeu yefodya

MBESA yeKRK26 iyo yakarimwa kuburikidza nemadiridziro edrip irrigation.
MBESA yeKRK26 iyo yakarimwa kuburikidza nemadiridziro edrip irrigation.

SVONDO rapera sangano reZimbabwe Tobacco Seed Association rakapa varimi yambiro pamusoro pemhando mbiri dzembeu dzefodya yeVirginia – KRK26 neT72 – idzo dzinopa goho guru kana dzikatangidzirwa kurimwa.
KRK26 inochimbidza kuibva pane T72, kunyangwe zvazvo ichigona kubatwa nezvirwere zvine chitsama.

Svondo rino tiri kutarisa dzimwe mbeu mbiri dzinonoka kuibva pane KRK26 neT72  – KRK64 neKRK66 – idzo dzinokwanisa kurimwa kuburikidza nemadiridziro pamwe nemvura yekunaya uye dzinopa goho repamusoro.

KRK64 inonoka kukura kana ichinge yafeswa mumibhedha pane KRK26 uye inogona kuda nitrogen yekututsira pamusoro sezvo kushaikwa kwayo kunokanganisa mhando yefodya inozokohwewa nekudaro varimi havakurudzirwe kuirima kana vasingazokwanisa kuwana fetereza yakawanda. Mbeu yeKRK66 iri nyore kurima pane KRK64 uye ndiyo inonyanyofarirwa nevarimi nekuda kwezvikonzero zvekuti inonoka kuibva pane dzimwe mbeu, zvakare haibatwe nezvirwere zviri nyore.

Iyi ndiyo mbeu  inopa goho repamusoro kunzvimbo dzinonaya mvura yakawanda dzakaita seMarondera, Headlands neRusape asi kunzvimbo dzinopisa inokwanisa kukanganiswa nezvirwere panguva yekunaya kwemvura uye ichi ndicho chikonzero sangano reTRB richikurudzira kuti isarimwe kunzvimbo dzinopisa. Zvakadaro, KRK66 haishingirire muzuva seKRK26, KRK28 neKRK29 uye haikurudzirwe kurimwa kumatunhu asinganaye mvura zvakanaka.Varimi  vanokurudzirwa zvakare kuti vasarime mbeu imwe chete mumunda gore negore sezvo izvi zvinoita kuti pave nedambudziko rekuti chirimwa chavo chinobatwa nezvirwere.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×