‘Mhanzi ngaipe dzidziso yakanaka’

Abel Ndooka

UMALI Jawad muimbi wemusambo wePansula, Traditional neSungura anoti mhanzi yakakosha zvikuru muraramo yevanhu nekudaro vaimbi vanofanirwa kuimba nziyo dzinopa dzidziso yakanaka kune veruzhinji.

Papah Jawah — sekuzivikanwa kunoitwa Jawad munyaya dzemhanzi — anoti ino haisisiri nguva yekuti vaimbi vaimbe nziyo dzinokurudzira mhirizhonga kana kutsvaga mbiri vachizvirova matundundu. Anoti nziyo ngadzive dzinodzidzisa veruzhinji zvakasiyana nekukurudzira kuti vazvibate muhupenyu hwavo.

“Sevaimbi, zvakakosha kuti mhanzi yedu ive inovaka kwete kungoimba pasina chatinenge tichidzidzisa kuvanhu.

“Vanhu vari kusangana nematambudziko akasiyana muhupenyu hwavo saka isu sevaimbi tinofanirwa kuvapa tariro uye kudzidzisa kuburikidza nemhanzi yedu,” anodaro Papah Jawah.

Muimbi uyu ane kambo kanonzi HIV/AIDS-Nguva Yakwana ako anokurudzira veruzhinji kubatana mukurwisa chirwere ichi.

“Denda reHIV neAIDS rashungurudza uye raparadza zvikuru mhuri zhinji saka ndizvo zvatinofanirwa kunge tichiimba sevaimbi tichidzidzisa kuti vanhu vazvibate, vazive kuti denda iri rinouraya uye rinoparadza. Zvinhu zviri kusanganikwa nazvo nevanhu saka tinofanirwa kutaura nezvazvo,” anodaro.

 

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×