‘Vechidiki rongerai remangwana’

Abel Ndooka

MUIMBI wenziyo dzechitendero Fetchton “Fetch the Soul Winner” Nenguwo anoti zvakakosha kuti vechidiki varongere remangwana ravo uyewo nekuve vanhu vanomata Mwari kuti vayaruke vachitevera gwara rakanaka.

Nenguwo anoti vamwe vechidiki vemazuva ano vari kurasika muhupenyu hwavo nekuda kwekutora zvinodhaka.

“Tiri kuona vamwe vechidiki vemazera angu vachirasika muhupenyu hwavo nekuda kwekusazvibata zvakanaka. Vamwe vanoswera vachitora zvinodhaka uye vachiba. Izvi hazvina kana kumbonaka nekuti vanenge vachitokanganisa hupenyu hwavo.

“Vechidiki tisu vatungamiri vemangwana saka ngatikoshesei hupenyu hwedu kuburikidza nekuziva zvakanaka nezvakaipa. Tikaziva bhaibheri zvinotifambira zvakanaka,” anodaro Nenguwo.

Muimbi uyu parizvino akwanisa kutsikisa madambarefu maviri anoti I am a testimony (2017) uye Christ in me (2018) iro rakanetsa nekambo kanonzi Mukuru.

Nenguwo anoti gore rino ari kutarisira kuparura dambarefu rechitatu rinonzi Jesu vari kugadzirisa.

Mhanzi yake, anodaro Nenguwo, inopa tariro kuvanhu kuti vasatye uye kuti matambudziko avo ose vaapire kunaMwari.

“Mwari ndiye ega anokwanisa kupedza matambudziko edu, kana tikamunamata muzvokwadi iye mbune anokwanisa kupedza kuchema kwedu tese. Isu sevaimbi vechitendero ibasa redu kuparidzira vanhu nekuimba nziyo dzinovapa tariro,” anodaro Nenguwo.

Related Posts

Mhirizhonga inokanganisa budiriro yenhabvu yeZim

Tadious Manyepo AIMBOVE kaputeni wechikwata chemaWarriors, Willard Katsande, anoti budiriro munyaya dzenhabvu muZimbabwe inogona kudzokera kumashure zvakanyanya kana pachitariswa zviitiko zvakaita semhirizhonga yakaitika kuChahwanda Stadium, kuKwekwe, nomusi weSvondo wadarika apo…

Hadebe orangarira amai vake ne‘tattoo’ rechipiri

Blessing Malinganiza NOMUSI wa25 Chivabvu, makore mapfumbamwe adarika, upenyu hwemutambi wemaWarriors neFC Cincinnati, Teenage Hadebe, hwakashanduka zvachose zvichitevera kurasikirwa kwaakaitwa naamai vake Sellinah. Anoti amai vake ava ndivo vaive murairidzi…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×