‘Mhanzi yose ngaishandiswe kuparidza’

Abel Ndooka
MUIMBI wenziyo dzechitendero, Collen Timeo, anoti hakuna musambo wemumhanzi unonzi uyu ndewekereke chete sezvo mhanzi yose ichikwanisa kukwezva vanhu kuti vatendeukire kunaMwari.

Timeo – uyo anotsigirwa nechikwata cheModern Zim Gospel Vibes – anoti achitanga kupinda muindastiri yemumhanzi, airidza Sungura muchikwata cheimwe hama yake yakazoshaika, ndokuzotendeuka achitanga kuridza musambo wechitendero.

Iye zvino muimbi uyu akwanisa kutsikisa madambarefu maviri anoti Namata Musiki (2015) naHuni dzegehena (2018), kozoti dzimwe nziyo dzakasiyana dzinosanganisira kanonzi Mutitungamirire ako kanokurudzira vanhu kufamba zvakanaka mumigwagwa.

Dzimwe nziyo dzakaburwa naTimeo dzinoti Perekedzanai Navo kanove kambo kaakaimba zvichitevera njodzi yemvura yaive nedutu yeCyclone Idai yakaitika kune mamwe matunhu eZimbabwe anosanganisira Manicaland.

Gore rino, Timeo achangobva kubura DVD redambarefu rake, Huni Dzegehena.

“Chandakadzidza mumakore ese andashanda mune zvemhanzi ndechekuti hapana musambo unonzi uyu unoita kana hauite. Musambo wese unotoshanda uye ukauridza unotendeutsa vanhu vakatotanga kunamata zvikuru.

“Ini ndichitanga, ndaikwenya Sungura, asi iye zvino hangu ndiri kuridza musambo wechitendero. Ndine nziyo dzimwe dzandiri kutsikisa dzemusambo weSungura asi shoko riri mukati riri rekuparidza vhangeri raJesu,” anodaro Timeo.

Anoti parizvino ari kumboshambadza DVD rake sezvo mavhidhiyo ariwo ave kutengesa mhanzi mazuvaano.

“Kana uchida kuti mhanzi yako isvike kure, bika mavhidhiyo emhando yepamusoro, ndiwo anokutengesera mhanzi yako uye anoburitsa chaizvo zvaunenge uchiparidza kuburikidza nemhanzi yako,” anodaro Timeo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *