MWANA AKASVIPWA NESHATO

Gibson Mhaka
MWANASIKANA ane makore 11 okuberekwa wekuLupane anonzi akaita hushingi hwekurwisana nemukweshwa weshato kweminitsi angasvika gumi mushure mekunge yamoneredza hanzvadzi yake ine makore 10 okuberekwa ichida kumumedza.

Mushure mekunzwa mhere yekuchema yehanzvadzi yake, Mvikeli Moyo, apo ainge ari kumashure kwake vachibva kuchikoro — Sipho Moyo wekuSibangani 2 Village anonzi akadzoka kumashure achibva arohwa nehana apo akaona zishato rakamonerera mwana richiedza kumumedza.

Pasina kupedza nguva, kasikana aka kakabata ruoko rwehanzvadzi yako ndokutanga kumudhonza asi zvairema sezvo shato iyi yakange yamonererera mwana uyu makumbo ake.

Panguva iyo shato iyi yakange iri kumoneredza makumbo aMvikeli, Sipho akabva abata shaya dzayo, ndokuivhura muromo kuitira kuti imuregedze.

Achitsanangura kubepanhau reKwayedza, Sipho anoti kurwisa kwaakaita shato iyi kunoshamisa.

Anoti akatyiswa kwazvo paakaona shato yakamonera hanzvadzi yake.

“Kutya kwangu kwose kwakapera pandakaona kuti yaive nyoka. Ndakaziva kuti ndinotofanira kumubatsira nekuti ndikakundikana aimedzwa.

“Ndakashandisa simba rangu rose kumudhonza. Ndakange ndatoona kuti shato iyi yaida kuuraya hanzvadzi yangu nekuti yaiti gare-gare yomumonera. Zvakanditorera maminitsi gumi kuti ndimudzikunure kubva mukanwa meshato,” anodaro Sipho.

Vana ava vanodzidza paSibangani Primary School uko Mvikeli ari kuita Grade 3 apowo Sipho achiita Grade 5.

Shato seyaida kumedza mwana

Mvikeli akasara aine mavanga ekurumwa neshato iyi mumakumbo neruoko rwerudyi uye anotenda hanzvadzi yake zvikuru nekumununura kwayakaita.

“Chinhu chekutanga chandakaita ndakapinza ruoko rwangu mukanwa mayo kuti indiregedze asi haina kundisiya nekuti yakange yave kungoramba ichimonera makumbo angu zvakasimba. Ndakaramba ndichiirova mukanwa neruoko rwangu zvakasimba. Izvi zvakandibatsira sezvo yakazenge yongoramba ichimonera makumbo angu ichibva yazondiregedza.

“Ndinotenda hanzvadzi yangu nekundinunura kwayakandiita,” anodaro Mvikeli.

Amai vake, Faith Dube (34), vanoti mhuri yavo yakashamisika nekushinga kwakaita Sipho apo akakwanisa kurwisana neshato.

“Ndinotenda Mwari nekuponesa mwana wangu uye ndinotenda zvakare hanzvadzi yake nekumununura. Mavanga aainawo haana kunyanya, vanamukoti vanoti achapora.

“Chinongondishamisa ndechekuti mumazuva matatu adarika, mwana wangu anoti akarota hope achitandaniswa nenyoka. Saka semhuri, tava kuronga kuenda kun’anga kunobvunzira kana kumaporofita kuti adudzire chirevo chazvo,” vanodaro Mai Dube.

Vanoti semhuri, vanofungidzirawo kuti kupona kwakaita Mvikeli kubva kushato iyi achazoita mhanza yakanaka zvikuru muupenyu hwake.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×