Mhiko dzakaparurwa muzvikoro

HURUMENDE nemusi weChipiri svondo rino yakaparura zviri pamutemo chirongwa chemhiko dzinoitwa nevana vechikoro idzo dzakangana kuvafundisa kuti vazive zvakokoshera kudada nekuve zvizvarwa zveZimbabwe.

Mhiko idzi dzakatanga kuitwa kuzvikoro zviri kumativi mana enyika kubva padanho rekireshi kusvika Form 6 pakavhurwa zvikoro svondo rino.

Mamwe mashoko emhiko idzi anosanganisira anoti: “Mwari Baba vemasimba ose avo upenyu hwedu huri mumawoko avo. Ndinopa ruremekedzo kumureza wenyika uye ndinozvipira kushanda zvine hunhu, ndakatendeka pamwe nesimba.”

Pamhiko idzi zvakare pane mashoko ekupa ruremekedzo kune vakarwa muhondo yekusunungura nyika ino nekutenda nekuda kweupfumi nezviwanikwa zveZimbabwe.

Vachitaura pakuparurwa kwemhiko idzi, pachikoro cheHarare High School, munyori mukuru mubazi redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Sylvia Utete-Masango, vanoti dzakakosha zvikuru sezvo dzichibva mubumbiro remutemo weZimbabwe iro rakagamuchirwa nemariyoni evanhu kuburikidza nekuvhota makore matatu adarika.

Vanoti vana vechikoro vanofanira kuve neruzivo nebumbiro idzva remutemo wenyika iri pamwe nekuti vadade nekushanda nesimba.

Dr Utete-Masango vanoti kune micherechedzo yakaita semureza wenyika iyo munhu wose anove chizvarwa cheZimbabwe anosungirwa kuremekedza.

“Nekuda kwekuti bumbiro remutemo wenyika ndiwo mutemo mukuru, ndiani angati handitevedzi zvaunotaura? Mashoko emhiko idzi anobva pachikamu chekutanga chebumbiro remutemo,” vanodaro.

Mhiko idzi, vanodaro Dr Utete-Masango, chimwe chechikamu chezvirongwa zvekuvandudza dzidzo kuburikidza nekudzidzisa vana kuti vazive zvakavakoshera sezvizvarwa zveZimbabwe.

Zvakadaro, mumwe mubereki, uyo ari kupikisa kuti vana vake vasaite mhiko idzi kuzvikoro kwavanodzidza, akaendesa nyaya iyi kudare reConstitutional Court.

Mubereki uyu ari kumirirwa nemagweta esangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights uye anoti mhiko idzi dzinopikisana nechitendero chake chechiKristu.

Kunyika dzakaita seAmerica, vana vechikoro, nhengo dzedare reParamende pamwe nereCabinet vanoita mhiko dzekuti vange vachidada nekuve zvizvarwa zvenyika yavo.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×