Kwakabva Zita: Ntabazinduna (Bulawayo)

MUMUGWAGWA unobatanidza Bulawayo neHarare pachinhambwe chemakiromita angangosvika makumi matatu kubva muBulawayo pane nzvimbo inonzi NTABAZINDUNA, muchiShona zvichireva kuti gomo remadzimambo. Nzvimbo iyi inonzi ndiyo ine gomo rakaurairwa madzimambo nemukuru wavo Lobengula. Vakauraiwa ava vanonzi vaipomerwa mhosva yekunyengedza mukuru wavo uyu kusvika pakusaina chibvumirano nevapambepfumi, icho akazoona kuti akange atengesa nyika yake, achibva auraya madzimambo aive pasi pake aya. Ndipo pakabva zita renzvimbo iyi, iyo iri pasi paMambo Ndiweni. – Muverengi mukuru weKwayedza, SHUMBA (Ntabazinduna).

CHIZIVISO:

MuZimbabwe mune nzvimbo zhinji dzine mazita anoshamisa kana asingazivikanwe nevamwe kuti akabva kupi. Mamwe mazita anobva pazviitiko zvakaitika, mamwe achibva pamazita evanhu kana madzishe. Asi mamwe mazita haazivikanwe kuti akatanga sei. KwaMurehwa kune nzvimbo inonzi Zorizozo, kuMhondoro kune kunonzi kwaDhodhi uyewo kuZaka kune kunonzi kwaMuroyi. Kana ukatsvagisisa, uchaona kuti mazita ose aya ane kwaakabva, uye ane zvaanoreva.

  • Kwayedza iri kukoka imi vaverengi kuti mutinyorere muchitiudza zita renzvimbo yamunogara nekuti sei yakapihwa zita iroro.

Tumirai tsananguro dzenyu makanyora kuti “KWAKABVA ZITA” ku:

Kwayedza, PO Box 396, Harare

Email: [email protected]

Munogona kusiya matsamba kumahofisi ose eZimpapers ari paHerald House muHarare, Chronicle House kuBulawayo, Manica Post kwaMutare, kuStar FM, kuGweru, kuMasvingo, kuChinhoyi, kuVictoria Falls, kana kuBeitbridge.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×