Kingstone Mapupu
IMWE mhuri inogara pedyo nenhandare yendenge diki yeCharles Prince Airport kuMt Hampden muguta reHarare inoti inorarama yakaputirwa neminyama mikuru, ichirohwa nezvidhoma uye kushungurudzwa zvakatsaukana-tsaukana.
Kumusha, mhuri iyi inobva kuGuruve, kuMashonaland Central.
Mai Cathrine Mambo (52) nevana vavo vapfumbamwe ndivo vakatarisana nematambudziko gumi nefararira aya.
Vanoti havagoni kuapedza vari voga, izvo zvave kuita kuti vatizire kuvanzwi vemweya, uko vari kuedza kubatsirwa.
Nokuda kweminyama nemhepo dzavanoti dzinovatevera uye kurohwa nezvavanoti zvidhoma, nemamwewo matambudziko avari kusangana nawo, baba vemhuri iyi vanonzi vakatiza pamusha, ndokusiya mhuri iyi iri yoga.
Baba ava havasi kuzivikanwa kwavari.
“Ndakaroorana nemurume wangu zvakanaka, ndokuvaka musha wedu kwaMambo Chitsungo, kuMbire, kuGuruve, munharaunda yeMashonaland Central.
“Matambudziko akazotanga kunaya semvura apo takatanga kurohwa nezvidhoma, zvichitaura apo taishevedza vabatsiri. Ini ndakazotsva nemoto usina kuzivikanwa kuti wakatangira kupi, ndikakuvara gumbo. Mumwe mwana wangu akatsvawo nemoto wakangotanga woga zvakare, akatofa. Aive mudiki,” vanodaro Mai Mambo.
Vanoti mumwe wevana vavo mukomana akatsva nemoto wakangotanga woga, zvokuti ave kurarama neurema nokuda kwekutsva uku.
Mumwe wevanasikana vavo anonzi anoita pamuviri pachingonyangarika, pasina kubuda ropa kana mvura.
Gracious Matiko (24), mumwe wevanasikana vemhuri iyi, akatsinhira nyaya yokuti anobata pamuviri pachingotsakatika, pasina kuoneka kuti paenda kupi.
“Ndinobata pamuviri pachingonyangarika. Handina mwana wandinobata, kureva kuti ndave kutotya kubata pamwe pamuviri. Kuroorwa kwacho dzimba hadzimiri uyewo tine minyama tose semhuri; haugoni kuita chinobatika. Baba vakatiza mhuri nokuda kwematambudziko aya. Hatizivi kwavari. Izvozvi tinogara pamba patinochengetwa kuMt Hampden,” anodaro Gracious Matiko.
Shadreck Matiko (26), mumwe wevanakomana vemhuri iyi, anoti zvidhoma zvinoita madiro kuvarova. Anoti havagoni kupedza svondo pasina munhu arohwa mumba mavo.
“Zvidhoma zvinoita party, kuita majana ekutirova. Hatina zororo. Seni hangu, ndaona ndondo nekurikitwa nezvidhoma.
Mhuri yedu kuchikoro tinogona zvakanyanyisa asi tinokanganiswa nekurohwa nezvivanda izvi. Takagumisira tatiza kumusha, tikauya kuzogara muno muHarare, tichichengetwa nevane tsiye nyoro,” anodaro Shadreck Matiko.
Glory Matiko (22), mumwe wevanasikana vemhuri iyi, akatsinhira kurohwa kwake nekwevamwe vemhuri nezvivanda, kwaanoti watove mugariro.
“Kunze kwekurohwa nezvivanda, izvo zvationesa nhamo, tine mwana wemumba medu akafa achitsva nemoto watisina kuziva kwawakabva. Takazomuona ari pamusuo wemba akatsva. Moto wakamupisa hatina kuuona asi mutumbi wairatidza kutsva. Munin’ina wangu wemakore 11 akarumwa negarwe mumwedzi waChikumi gore rakapera kurwizi Hunyani, kwaMambo Chitsungo, kuMbire, amai vakarwisana negarwe iri kusvikira varikunda, rikatiza,” anodaro Glory Matiko. Musikana wekurumwa, watisingagoni kuburitsa zita rake nokuda kwezera rake, anoti akanyudzwa negarwe mumvura kakawanda. Anoti amai vake vakazoripindira, vakarwisana naro kudzimara varikurira.
Zvisinei nematambudziko ose akatarisana nemhuri iyi, baba vacho havasi kuzivikanwa kwavakatizira.
Prophet Elijah, vechechi yeMercy World Mt Gilead, uko kuri kuendwa nemhuri iyi kuti ibatsirwe, vanoti: “Dambudziko remhuri iyi rine chokuita neveukama. Zvose izvi zvinopera nokuda kwesimba raMwari, kuburikidza nemwanakomana wavo, Jesu Kristu. Tinoda kuti zvose izvi zvipere, tovapa mari yekutangisa mabhindauko semhuri, vana vadiki vodzokera kuzvikoro,” vanodaro Prophet Elijah.



