Midziyo yekugadzirisa migwagwa yamutsiridzwa

Freeman Razemba

HURUMENDE yakawana michina mitsva, inosanganisira matarakita senzira yekumutsiridza midziyo yekugadzirisa migwagwa (Road Maintenance Units) munyika yose.

Izvi zvinoenderana nechirongwa chekugadzirwa kwemigwagwa uye kuvandudzwa kwayo nguva nenguva cheEmergency Road Rehabilitation Program Phase 2 (ERRP2) icho chinoratidza kuzvipira kweHurumende yeSecond Republic mukusimudzira zvivakwa.

Mayunitsi (units) ekugadzirisa migwagwa aya, ayo ari pasi pebazi rezvifambiso nekusimudzirwa kwezvivakwa, anosvika 180.

Munguva pfupi yadarika, Zimbabwe National Roads Administration (ZINARA) yakawana marita mamiriyoni maviri emafuta ezvifambiso ekubatsira vanoona nezvemigwagwa muzvirongwa zvavo rinova danho rakanangana nekuderedza matambudziko ekuwanikwa kwemafuta aya.

Nemusi weMuvhuro uno, gurukota rezvifambiso nekusimudzirwa kwezvivakwa, Cde Felix Mhona, vachiperekedzwa nemutevedzeri wavo Cde Joshua Sacco, munyori mukuru mubazi iri Engineer Joy Makumbe nevamwe vakuru-vakuru, vakaparura chirongwa chekumutsiridza mayunitsi aya muHarare.

 Gurukota iri rakatanga raparura zviri pamutemo matarakita akatengwa kuHASST Zimbabwe risati razivisa nezvemafambisirwo emabasa ekugadzira migwagwa.

“Sebazi, takatanga chirongwa ichi kuti tigadzirise migwagwa yedu,” vanodaro Cde Mhona. “Murairo wakabva kuCabinet kuti tisimutsiridze mayunitsi edu ose eRoad Maintenance Units.”

Chirongwa ichi chichaona matunhu ose gumi enyika achiwana matarakita nemidziyo yekushandisa mumigwagwa.

Danho iri richabatsira mukuchengetedza uye kuvandudza migwagwa kuitira kuti isasvike pakuparara zvakanyanya.

 Cde Mhona vanoti bazi ravo rakatengawo michina yekutara mumigwagwa kuitira kuti vatyairi vedzimotokari vakwanise kuona pakufamba, zvikuru panguva dzehusiku.

Vanokurudzira kusimbaradzwa kwekudyidzana pakati peZINARA neTraffic Safety Council of Zimbabwe.

Sachigaro wekomiti yedare reParamende inoona nezvezvifambiso nekusimudzirwa kwezvivakwa, Cde Tawanda Karikoga, vanoti vane chivimbo chekuti matarakita achangobva kuwanikwa aya achasimbisa mabasa ekugadzirisa migwagwa izvo zvichabatsira panyaya yekudzivirira tsaona.

Managing director weHASST Zimbabwe, VaWalter Chigwada, vakarumbidza Hurumende nekucherechedza kwairi kuita makambani emuno nekuapa mabasa vachiti vachawanawo zvekushandisa muZimbabwe senzira yekusimudzira hupfumi hwenyika.

Kumutsiridzwa kwemayunitsi ekugadzirisa migwagwa kunoonekwa sedanho rinoendeka mukusimbaradza zvivakwa zvenyika, izvo zvakakosha pakuzadzikisa chiono chebudiriro chegore ra2030.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×