HURUMENDE svondo rapera yakatara makore evatyairi vezvifambiso zvinotakura veruzhinji zvakadai semabhazi nemakombi kubva pamakore 25 okuberekwa kuenda pa30 rinove danho riri kugamuchirwa nevakawanda.
Chinangwa chikuru chedanho iri kudzivirira tsaona dzemumigwagwa idzo zhinji dzacho dziri kukonzerwa nevatyairi vechidiki vanenge vasati vave nenguva ndefu vachityaira.
Donzvo rekuwedzera makore evanotenderwa kutyaira motokari dzinotakura veruzhinji iri nderekuona kuti vatyairi vabva zera uye vave nemakore akawanda vachityaira vaite basa iri.
Izvi zvakakosha mukudzivirira tsaona dzemumigwagwa sezvo munhu abva zera mafungiro ake akasiyana zvakanyanya neasati.
Hurumende yatora danho iri panguva iyo vanhu vanodarika 2 000 munyika muno vari kufa pagore mutsaona dzemumigwagwa idzo dzakawanda dzacho dzinokonzerwa nekutyaira kusina hanya.
Pasi pemutemo mutsva uyu, kunze kwekuve nemakore 30 okuberekwa, mutyairi webhazi kana kombi anofanirwa zvekare kunge apedza makore mashanu achiita basa rekutyaira.
Mukuvandudza mutemo uyu weRoad Traffic Act (Chapter 13:11), Hurumende yakakoshesawo vatyairi vemabhazi nemakombi vagara vachiita basa iri asi vaine makore ari pasi pe30 okuberekwa kuti varambe vachienderera mberi nebasa ravo.Nerimwe divi, danho rekuti vatyari vezvifambiso zveveruzhinji vange vaine makore 30 okuberekwa rinoenderana nezviri kuitika mune dzimwe nyika dziri mudunhu reSouthern African Development Community (SADC).
Tinotsigira zvizere danho rakatorwa neHurumende iri nekuti hupenyu hwevanhu hunokosha nekudaro haufanirwe kungorasika zvisina tsarukano.
Nekuda kwemamiriro matsva ezvinhu, hazvishamise kuona dzimwe nhubu dzine makore ari pasi pe30 okuberekwa dzichizama kuda kusandura makore adzo kuti vatenderwe kutyaira zvifambiso zveveruzhinji chete.
Zvakakosha kuti patorwe matanho akakodzera ekudzivirira huwori hwakadai uye vanenge vabatwa nemhosva dzerudzi urwu vorangwa zvakasimba maringe nemutemo.
Veruzhinji vagara vachichema-chema nekuda kwevatyairi, kunyanya vemakombi, avo vakawanda vacho vanove vechidiki, sezvo vasina hanya nekutevedza mitemo yemumigwagwa uye kuchengetedza hupenyu hwevafambi.
Vamwe vavo ndivo vane katsika kekufamba nekudivi remugwagwa risiri ravo uye kana votiza mapurisa havambotarisi pavanotiza napo izvo zvinoisa hupenyu hwevafambi panjodzi.
Kune vamwe zvekare vari kutyaira vakadhakwa nemutoriro kana mbanje.
Itarisiro yedu huru kuti danho ratorwa neHurumende iri rekuwedzera makore evanofanirwa kutyaira zvifambiso zvinotakura veruzhinji kuenda pamakore 30 richabatsira kudzivirira tsaona dzemumigwagwa.



