Mighty Warriors orumbidzwa

CHIKWATA chenhabvu chenyika chemadzimai chemaMighty Warriors chakarumbidzwa nenziyo nemumwe muimbi ari kusimukira – Pastor Terrence Guba — zvichitevera kubudirira kwaakaita kunokwikwidza kumutambo yeRio 2016 Summer Olympics kuRio de Janeiro, kuBrazil.

Pastor Terrence akaimba kambo kanonzi ‘Rio 2016 We wish you Good Luck’ ako anenge achirumbidza pamwe nekukurudzira maMighty kuti anosimudza mureza wenyika kumutambo uyu.

MaMighty Warriors akanyora nhorowondo nekubudirira kwaakaita kuenda kumakwishu aya apo akakunda Cameroon 1-0 mumutambo wakatambirwa kunhandare yeRufaro Stadium.

Mumutambo wekutanga wakatambirwa kuCameroon, maMighty Warriors akakundwa 2-1.

Muhurukuro naPastor Terrence, uyo ane mukurumbira nekambo kaakaimbira Moses ‘Bambo’ Chunga kanonzi ‘Tinotenda Bambo’, anoti basa rakabatwa nemaMighty Warriors rinofadza zvikuru uye ino ndiyo nguva yekuti nyika yese ibatane mukuvatsigira.

“Zvakaitwa nemaMighty Warriors zvinodadisa, zvinofadza zvikuru saka zvakakosha chaizvo kuti tivarumbidze.

“Kazhinji vanhu vanowanzotevera maWarriors chete vachitadza kuita hanya nezvinenge zvichiitika kumaMighty Warriors asi chokwadi chiripo ndechekuti madzimai edu akadadisa nyika yese.

“Nziyo iyi yandakabika yekuti Rio 2016 We Wish you Good luck ndinoona kuti ichabatsira kusimudza morari kuvatsigiri vese venhabvu kuti vatsigire zvakasimba maMighty Warriors edu apo achaenda kunokwikwidza kumutambo uyu,” akadaro Pastor Terrence.

Mitambo yeRio 2016 Summer Olympics inotarisirwa kutanga musi wa5 Nyamavhuvhu ichizopera 21 Nyamavhuvhu.

Zvakadaro, kubudirira kwakaita maMighty Warriors kuenda kumutambo uyu kwakaona achiremekedzwa nesangano reConfederation of Africa Football (CAF) nekusimudzirwa kuve chimwe chezvikwata chakatamba nhabvu zvinodakadza mugore ra2015 kumadzimai, kunyangwe hazvo mukombe wacho wakazopihwa kuCameroon.

Nguva pfupi yadarika, kaputeni wemaMighty Warriors — Felistas Muzongondi — akakurudzira vatungamiri veZimbabwe Football Association (Zifa) kuti varongere chikwata chavo mitambo yehushamwari nezvimwe zvakaita seNigeria, Ghana, Japan neUSA mugadziriro dzavo.

“Tiri kuda chaizvo kuti titambe mitambo yakawanda yehushamwari nezvikwata zvihombe zvakaita seNigeria neGhana zvemuno muAfrica uye kana zvikafamba zvakanaka totambawo kana neGermany neJapan,” akadaro.

 

Related Posts

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Akazviuraya adyiwa neKandege

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuGokwe, mudunhu reMidlands, akazivisa nezvemurume wechidiki anonzi akazviuraya nekunwa muchetura mushure mekudyiwa mari yebasa nenjuga yeKandege. Kuzivakwashe Gava (22) — uyo aibva kwaSabhuku…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×